← 2Chronicles (36/36) |
1. | Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu. |
2. | Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. |
3. | Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama. |
4. | Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munun’una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun’una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti. |
5. | Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. |
6. | Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga namaketani, kundomuisa Bhabhironi. |
7. | Nebhukadhinezari akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi. |
8. | Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe. |
9. | Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. |
10. | Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhinezari akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munun’una wake Zedhekia mambo waJudha neJerusaremu. |
11. | Zedhekia akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. |
12. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha. |
13. | Akamukirawo mambo Nebhukadhinezari, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa moyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri. |
14. | Uye vakuru vose vapirisiti navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu. |
15. | Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; |
16. | asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa. |
17. | Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake. |
18. | Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi. |
19. | Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. |
20. | Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe huchibatwa navaPeresia; |
21. | kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe. |
22. | Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti, |
23. | "Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, `Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. " `Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.' " |
← 2Chronicles (36/36) |