2Chronicles (35/36)  

1. Zvino Josia akaitira Jehovha Pasika paJerusaremu; vakauraya gwayana rePasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga.
2. Akagadza vapirisiti pamabasa avo, akavatsungisa pabasa reimba yaJehovha.
3. Akati kuna vaRevhi vaidzidzisa vaIsiraeri vose, vakanga vari vatsvene kuna Jehovha, "Isai areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo walsiraeri; hamuchazovi nomutoro pamafudzi enyu; zvino, shumirai Jehovha Mwari wenyu, navanhu vake Isiraeri.
4. Zvigadzirei, nedzimba dzamadzibaba enyu namapoka enyu, sezvakanyorwa naDhavhidhi mambo waIsiraeri, nezvakanyorwa naSoromoni mwanakomana wake.
5. Mumire panzvimbo tsvene, sezvamakagoverwa nedzimba dzamadzibaba ehama dzenyu ivo vana vavanhu; imba imwe neimwe yamadzibaba avaRevhi ipiwe mugove wayo.
6. Muuraye gwayana rePasika, muzvinatse, mugadzirire hama dzenyu; kuti muite sezvakarehwa neshoko raJehovha nomuromo waMozisi."
7. Ipapo Josia akapa vana vavanhu zvimwe zvipfuwo, mwakwayana nembudzana, zvose kuti zvive zvipiriso zvePasika, ivo vose vakanga varipo, vakasvika zviuru zvina makumi matatu, uye nzombe dzine zviuru zvitatu; izvi zvose zvakabva pafuma yamambo.
8. Namachinda ake akapawo nomoyo wose kuna vanhu, navapirisiti, navaRevhi. Hirikia, naZekariya, naJehieri, vabati veimba yaMwari, vakapa vapirisiti zvipfuwo zviduku zvine zviuru zviviri namazana matanhatu, nenzombe dzina mazana matatu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
9. NaKonania, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vavaRevhi, vakapa vaRevhi zvipfuwo zviduku zvine zviuru zvishanu, nenzombe dzina mazana mashanu, kuti zvive zvipiriso zvePasika.
10. Basa rikagadzirwa saizvozvo, navapirisiti vakamira panzvimbo yavo, navaRevhi pamapoka avo, sezvavakanga varairwa namambo.
11. Ipapo vakauraya makwayana ePasika, vapirisiti ndokusasa ropa ravakapiwa navo, vaRevhi vakaavhiya.
12. Vakabvisa zvipiriso zvinopiswa, kuti vazvipe nemigove yedzimba dzamadzibaba avana vavanhu, kuti vazvibayire Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku yaMozisi. Vakaita saizvozvo nenzombewo.
13. Vakagocha Pasika pamoto, sezvakanga zvarairwa; vakabika zvipiriso zvitsvene muhari, nomumakate, nomumakango, vakachimbidzika kuzviisa kuvana vose vavanhu.
14. Pashure vakazvigadzirira ivo navapirisiti; nokuti vapirisiti vanakomana vaAroni vakanga vachibayira zvipiriso zvinopiswa namafuta azvo kusvikira usiku; saka vaRevhi vakazvigadzirira ivo navapirisiti, ivo vanakomana vaAroni.
15. Navaimbi ivo vanakomana vaAsafi, vakanga vari panzvimbo yavo, sezvavakanga varairwa naDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; navarindi va kanga vari pamasuo ose, ivo havana kufanira kubva pamabasa avo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.
16. Basa rose raJehovha rikagadzirwa saizvozvo pazuva iro, rokuita Pasika, nokubayira zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, sezvakanga zvarairwa namambo Josia.
17. Zvino vana vaIsiraeri vakanga varipo vakaita Pasika nenguva iyo, nomutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe.
18. Pasika yakadai haina kumboitwa pakati paIsiraeri kubva pamazuva omuporofita Samueri; hakuna kumbova mumwe wamadzimambo aIsiraeri akaita Pasika yakanga yakafanana neyakaitwa naJosia, navapirisiti, navaRevhi, navaJudha navaIsiraeri vagere Jerusaremu.
19. Pasika iyo yakaitwa negore regumi namasere rokubata ushe kwaJosia.
20. Shure kwaizvozvo zvose, Josia agadzira temberi, Neko mambo weIjipiti akandorwa naKarikemishi paYufuratesi; Josia akandorwa naye.
21. Asi iye akatuma nhume kwaari, achiti, "Ndineiko newe, iwe mambo waJudha? Handina kuuya kuzorwa newe nhasi, asi neimba yandinosirwa nayo; Mwari akandiraira kuti ndichimbidzike; zvino iwe chirega hako kunetsa Mwari aneni, kuti arege kukuparadza."
22. Kunyange zvakadaro Josia akaramba kumurega, asi akazvishandura kuti arwe naye; haana kuteerera mashoko aNeko, akabva pamuromo waMwari, akaenda kundorwa naye pamupata waMegidho.
23. Zvino vapfuri vouta vakapfura mambo Josia; mambo akati kuvaranda vake, "Ndibvisei, nokuti ndakuvadzwa kwazvo."
24. Ipapo varanda vake vakamubvisa pangoro yake, vakamuisa pangoro yake yechipiri yaakanga anayo, vakamuisa Jerusaremu; akafa, akavigwa mumahwiro amadzibaba ake. VaJudha vose neJerusaremu vakachema Josia.
25. Jeremiya akaita rwiyo rwokuchema Josia; navaimbi vose varume navaimbi vakadzi vakareva zvaJosia panziyo dzavo dzokuchema kusvikira nhasi; vakazviita tsika pakati paIsiraeri; tarirai zvakanyorwa panziyo dzokuchema.
26. Zvino mamwe mabasa aJosia, nezvakanaka zvaakaita, zvakanzwana nezvakanyorwa mumurayiro waJehovha,
27. nezvaakaita, zvokutanga nezvokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha.

  2Chronicles (35/36)