2Chronicles (30/36)  

1. Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo mwadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.
2. Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.
3. Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapirisiti, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.
4. Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.
5. Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
6. Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nemwadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, "Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
7. Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.
8. Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.
9. Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari."
10. Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.
11. Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.
12. NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa moyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.
13. Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.
14. Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvinonhuhwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.
15. Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapirisiti navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.
16. Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMozisi, iye munhu waMwari; vapirisiti vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.
17. Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
18. Nokuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, "Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe,
19. unoshingaira nomoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene."
20. Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.
21. Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapirisiti vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
22. Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
23. Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.
24. Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapirisiti vazhinji-zhinji vakazvinatsa.
25. Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapirisiti navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
26. Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo walsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.
27. Ipapo vapirisiti vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.

  2Chronicles (30/36)