2Chronicles (29/36)  

1. Hezekia wakatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Abhija mukunda waZekariya.
2. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha sezvose zvakaita baba vake Dhavhidhi.
3. Pagore rokutanga rokubata kwake ushe, nomwedzi wokutanga, akazarura mikova yeimba yaJehovha, akaigadzira.
4. Akapinza vapirisiti navaRevhi, akavaunganidza padare pamabvazuva,
5. akati kwavari, "Chindinzwai, imi vaRevhi; chizvinatsai zvino, munatsewo imba yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu; mutakurire kunze tsvina yose iri munzvimbo tsvene.
6. Nokuti madzibaba edu akadarika, vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu, vakamusiya, vakarega kutarira kuugaro hwaJehovha, ndokumufuratira.
7. Vakapfigawo mikova yebiravira, nokudzima mwenje; havana kupisira zvinonhuhwira, kana kubayira Mwari waIsiraeri zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene.
8. Saka Jehovha akatsamwira vaJudha neJerusaremu, akavaita chityiso nechishamiso, chinoridzirwa muridzo, sezvamunoona nameso enyu.
9. Nokuti tarirai, madzibaba edu akaparadzwa nomunondo; vanakomana vedu navanasikana vedu navakadzi vedu vakatapwa nokuda kwaizvozvi.
10. "Zvino moyo wangu unoda kuita sungano naJehovha Mwari waIsiraeri, kuti kutsamwa kwake kukuru kubviswe kwatiri.
11. "Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira."
12. Ipapo vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoeri mwanakomana waAzaria pakati pavanakomana vavaKohati, napakati pavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzaria mwanakomana waJeharereri; napakati pavaGerishoni, Joa mwanakomana waZimima, naEdheni mwanakomana waJoa;
13. napakati pavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeueri; napakati pavanakomana vaAsafi, Zekariya naMatania;
14. napakati pavanakomana vaHemani, Jehueri naShimei; napakati pavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUzieri.
15. Ivo vakaunganidza hama dzavo, vakazvinatsa, vakapinda sezvavakarairwa namambo namashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha.
16. Vapirisiti vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi.
17. Vakatanga kunatsa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, vakasvika pabiravira raJehovha nezuva rorusere romwedzi; vakanatsa imba yaJehovha namazuva masere; vakapedzisa nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga.
18. Ipapo vakapinda kuna mambo Hezekia mukati meimba yamambo, vakati, "Tanatsa imba yose yaJehovha, nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yezvingwa zvokuratidza, nenhumbi dzayo dzose.
19. Uye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakudarika kwake nguva yaakabata ushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi pearitari yaJehovha."
20. Zvino mambo Hezekia akamuka mangwanani, akaunganidza machinda eguta, akaenda kumba kwaJehovha.
21. Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapirisiti ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha.
22. Ipapo vakauraya nzombe, vapirisiti vakachinga ropa, ndokurisasa paaritari; vakauraya makondobwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari.
23. Vakaswededzawo nhongo dzembudzi, chive chipiriso chezvivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo pamusoro padzo;
24. vapirisiti vakadziuraya, vakaita chipiriso chezvivi neropa radzo paaritari, kuti vayananisire valsiraeri vose, nokuti mambo akaraira kuti vaIsiraeri vose vapisirwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chezvivi.
25. Akaisa vaRevhi mumba maJehovha, vana makandira, nemitengerangwa, nembira, sezvavakarairwa naDhavhidhi, uye nomuoni wamambo Gadhi, uye nomuporofita Natania; nokuti akanga ari Jehovha akaraira navaporofita vake.
26. VaRevhi vakamira nezvokuridza zvaDhavhidhi, navapirisiti vane hwamanda.
27. Hezekia akaraira kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Zvino chipiriso chinopiswa chakati chichitanga kupiswa, rwiyo rwaJehovha ndokutangawo, uye hwamanda pamwechete nezvokuridza zvaDhavhidhi mambo waIsiraeri.
28. Ungano yose ndokunamata, vaimbi vakaimba, navaridzi vehwamanda vakaridza; izvozvi zvose zvikaramba zvichiitwa kusvikira chipiriso chinopiswa chapera.
29. Zvino vakati vapedza kupisira, mambo navose vakanga varipo naye vakakotamira pasi, vakanamata.
30. Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata.
31. Ipapo Hezekia akapindura, akati, "Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha." Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa.
32. Zvipiriso zvinopiswa, zvakauyiswa neungano, zvakasvika nzombe dzina makumi manomwe namakondobwe ane zana, namakwayana ana mazana maviri pakuwanda kwazvo; izvi zvose chakanga chiri chipiriso chokupisira Jehovha.
33. Zvinhu zvakatsaurirwa Jehovha zvakasvika nzombe dzina mazana matanhatu, namakwai ane zviuru zvitatu.
34. Asi vapirisiti vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa, saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapirisiti vazvinatsa; nokuti moyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapirisiti.
35. Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa.
36. Ipapo Hezekia akafara, navanhu vose, nokuda kwezvose zvakanga zvagadzirirwa vanhu naMwari; nokuti chinhu ichi chakaitwa nokuchimbidzika.

  2Chronicles (29/36)