| ← 2Chronicles (29/36) → |
| 1. | Hezekia wakatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Abhija mukunda waZekariya. |
| 2. | Akaita zvakarurama pamberi paJehovha sezvose zvakaita baba vake Dhavhidhi. |
| 3. | Pagore rokutanga rokubata kwake ushe, nomwedzi wokutanga, akazarura mikova yeimba yaJehovha, akaigadzira. |
| 4. | Akapinza vapirisiti navaRevhi, akavaunganidza padare pamabvazuva, |
| 5. | akati kwavari, "Chindinzwai, imi vaRevhi; chizvinatsai zvino, munatsewo imba yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu; mutakurire kunze tsvina yose iri munzvimbo tsvene. |
| 6. | Nokuti madzibaba edu akadarika, vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu, vakamusiya, vakarega kutarira kuugaro hwaJehovha, ndokumufuratira. |
| 7. | Vakapfigawo mikova yebiravira, nokudzima mwenje; havana kupisira zvinonhuhwira, kana kubayira Mwari waIsiraeri zvipiriso zvinopiswa panzvimbo tsvene. |
| 8. | Saka Jehovha akatsamwira vaJudha neJerusaremu, akavaita chityiso nechishamiso, chinoridzirwa muridzo, sezvamunoona nameso enyu. |
| 9. | Nokuti tarirai, madzibaba edu akaparadzwa nomunondo; vanakomana vedu navanasikana vedu navakadzi vedu vakatapwa nokuda kwaizvozvi. |
| 10. | "Zvino moyo wangu unoda kuita sungano naJehovha Mwari waIsiraeri, kuti kutsamwa kwake kukuru kubviswe kwatiri. |
| 11. | "Vanakomana vangu, regai kuva vanhu vasine hanya zvino, nokuti Jehovha akakutsaurai kuti mumire pamberi pake, mumubatirei, nokuva vabatiri vake, nokumupisira zvinonhuwira." |
| 12. | Ipapo vaRevhi vakasimuka, Mahati mwanakomana waAmasai, naJoeri mwanakomana waAzaria pakati pavanakomana vavaKohati, napakati pavanakomana vaMerari, Kishi mwanakomana waAbhidhi, naAzaria mwanakomana waJeharereri; napakati pavaGerishoni, Joa mwanakomana waZimima, naEdheni mwanakomana waJoa; |
| 13. | napakati pavanakomana vaErizafani, Shimiri naJeueri; napakati pavanakomana vaAsafi, Zekariya naMatania; |
| 14. | napakati pavanakomana vaHemani, Jehueri naShimei; napakati pavanakomana vaJedhutuni, Shemaya naUzieri. |
| 15. | Ivo vakaunganidza hama dzavo, vakazvinatsa, vakapinda sezvavakarairwa namambo namashoko aJehovha, kuti vanatse imba yaJehovha. |
| 16. | Vapirisiti vakapinda mukati meimba yaJehovha, kuti vainatse, vakabudisa marara ose avakawana mutemberi yaJehovha kuruvazhe rweimba yaJehovha. VaRevhi vakaatora, ndokuatakurira kunze kurukova Kidhironi. |
| 17. | Vakatanga kunatsa nezuva rokutanga romwedzi wokutanga, vakasvika pabiravira raJehovha nezuva rorusere romwedzi; vakanatsa imba yaJehovha namazuva masere; vakapedzisa nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga. |
| 18. | Ipapo vakapinda kuna mambo Hezekia mukati meimba yamambo, vakati, "Tanatsa imba yose yaJehovha, nearitari yezvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzayo dzose, netafura yezvingwa zvokuratidza, nenhumbi dzayo dzose. |
| 19. | Uye nhumbi dzose dzakarashwa namambo Ahazi pakudarika kwake nguva yaakabata ushe, tadzigadzira nokudzinatsa; tarirai, dziri pamberi pearitari yaJehovha." |
| 20. | Zvino mambo Hezekia akamuka mangwanani, akaunganidza machinda eguta, akaenda kumba kwaJehovha. |
| 21. | Vakauya nenzombe nomwe, namakondobwe manomwe, namakwaiana manomwe, nenhongo dzembudzi nomwe, chive chipiriso chezvivi choushe neimba tsvene navaJudha. Akaraira vapirisiti ivo vanakomana vaAroni, kuti vazvibayire paaritari yaJehovha. |
| 22. | Ipapo vakauraya nzombe, vapirisiti vakachinga ropa, ndokurisasa paaritari; vakauraya makondobwe, vakasasa ropa paaritari; vakaurayawo makwayana, vakasasa ropa paaritari. |
| 23. | Vakaswededzawo nhongo dzembudzi, chive chipiriso chezvivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo pamusoro padzo; |
| 24. | vapirisiti vakadziuraya, vakaita chipiriso chezvivi neropa radzo paaritari, kuti vayananisire valsiraeri vose, nokuti mambo akaraira kuti vaIsiraeri vose vapisirwe chipiriso chinopiswa nechipiriso chezvivi. |
| 25. | Akaisa vaRevhi mumba maJehovha, vana makandira, nemitengerangwa, nembira, sezvavakarairwa naDhavhidhi, uye nomuoni wamambo Gadhi, uye nomuporofita Natania; nokuti akanga ari Jehovha akaraira navaporofita vake. |
| 26. | VaRevhi vakamira nezvokuridza zvaDhavhidhi, navapirisiti vane hwamanda. |
| 27. | Hezekia akaraira kuti vabayire chipiriso chinopiswa paaritari. Zvino chipiriso chinopiswa chakati chichitanga kupiswa, rwiyo rwaJehovha ndokutangawo, uye hwamanda pamwechete nezvokuridza zvaDhavhidhi mambo waIsiraeri. |
| 28. | Ungano yose ndokunamata, vaimbi vakaimba, navaridzi vehwamanda vakaridza; izvozvi zvose zvikaramba zvichiitwa kusvikira chipiriso chinopiswa chapera. |
| 29. | Zvino vakati vapedza kupisira, mambo navose vakanga varipo naye vakakotamira pasi, vakanamata. |
| 30. | Mambo Hezekia namachinda vakarairawo vaRevhi kuimbira Jehovha vachimukudza namashoko aDhavhidhi nomuoni Asafi. Vakaimba nziyo dzokukudza nomufaro, vakakotamisa misoro yavo vakanamata. |
| 31. | Ipapo Hezekia akapindura, akati, "Zvino zvamazvitsaurira Jehovha, swederai muuye nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga nazvo mumba maJehovha." Ungano ndokuuya nezvibayiro nezvipiriso zvokuvonga; vose, vakanga vanomoyo unoda, vakauya nezvipiriso zvinopiswa. |
| 32. | Zvipiriso zvinopiswa, zvakauyiswa neungano, zvakasvika nzombe dzina makumi manomwe namakondobwe ane zana, namakwayana ana mazana maviri pakuwanda kwazvo; izvi zvose chakanga chiri chipiriso chokupisira Jehovha. |
| 33. | Zvinhu zvakatsaurirwa Jehovha zvakasvika nzombe dzina mazana matanhatu, namakwai ane zviuru zvitatu. |
| 34. | Asi vapirisiti vakanga vasingaringani, vakakoniwa kuvhiya zvipiriso zvose zvinopiswa, saka vaRevhi hama dzavo, vakavabatsira, kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapirisiti vazvinatsa; nokuti moyo yavaRevhi yakanga yakarurama pakuzvinatsa kupfuura vapirisiti. |
| 35. | Zvipiriso zvinopiswa zvakanga zvakawandawo kwazvo, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa, nezvipiriso zvaidururwa zvechipiriso chimwe nechimwe chaipiswa. Naizvozvo basa reimba yaJehovha rakagadzirwa. |
| 36. | Ipapo Hezekia akafara, navanhu vose, nokuda kwezvose zvakanga zvagadzirirwa vanhu naMwari; nokuti chinhu ichi chakaitwa nokuchimbidzika. |
| ← 2Chronicles (29/36) → |