2Chronicles (28/36)  

1. Ahazi akanga ana makore makumi maviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu; asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha, sababa vake Dhavhidhi;
2. asi wakafamba nenzira dzamadzibaba aIsiraeri, akaitira vaBhaariwo zvifananidzo zvendarira yakanyauswa.
3. Uye akapisawo zvinonhuwira pamupata womwanakomana waHinomi, akapisa vana vake mumoto, sezvainyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
4. Akabayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, napazvikomo, napasi pemiti yose mitema.
5. Saka Jehovha Mwari wake akamuisa muruoko rwamambo weSiria; vakamukunda, vakaenda navanhu vake vazhinji vakatapwa, vakandovaisa Dhamasiko. Naiye amene akaiswa muruoko rwamambo waIsiraeri, akamukunda, akauraya vazhinji-zhinji.
6. Nokuti Peka mwanakomana waRemaria akauraya paJudha vanhu vane zviuru zvine zana namakumi maviri pazuva rimwe; vose vari varume voumhare; nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
7. Zikiri murume waEfuremu, akanga ane simba, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, naAzirikami mutariri weimba, naErikana mukuru kutevera mambo.
8. Vana valsiraeri vakatapa pakati pehama dzavo vanhu vane zviuru zvina mazana maviri, vakadzi, vanakomana, navanasikana, vakapambawo zvizhinji kwavari; vakandoisa Samaria izvo zvakapambwa.
9. Asi kwakanga kuno muporofita waJehovha, wainzi Obhedhi; iye akaenda kundosangana nehondo yakanga youya Samaria, akati kwavari, "Jehovha Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira vaJudha, saka akavaisa mumaoko enyu, makavauraya nehasha dzakasvikira kudenga.
10. Zvino munoti muchamanikidza vana vaJudha naveJerusaremu, vave vatapwa venyu varanda navarandakadzi; ko imi hamune mhosvawo mumene pamberi paJehovha Mwari wenyu here?
11. Naizvozvo zvino chindinzwai, mudzose vatapwa vamakatapa pakati pehama dzenyu; nokuti Jehovha akutsamwirai kwazvo."
12. Ipapo vamwe vakuru vavana vaEfuremu, vaiti: Azaria mwanakomana waJohanani, naBherekia mwanakomana waMeshiremoti, naJehizikia mwanakomana waSharumi, naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakadzivisa avo vabva pakurwa,
13. vakati kwavari, "Hamungapindi pano navatapwa, nokuti munovavarira kuita chinhu chichatiparisa mhaka pana Jehovha, mugowedzera pazvivi zvedu nemhosva yedu; nokuti mhosva yedu ihuru, vaIsiraeri vatsamwirwa kwazvo naJehovha."
14. Ipapo varwi vakasiya vatapwa nezvakapambwa kumachinda neungano yose.
15. Zvino ava varume varehwa mazita avo, vakasimuka, vakatora vatapwa, vakafukidza vose vakanga vakashama pakati pavo nezvakapambwa, vakavapfekedza nokuvaisa shangu, ndokuvapa zvokudya nezvokunwa, vakavazodza, vakatasvisa vose vakanga vasine simba pambongoro, vakavaisa Jeriko, guta remichindwe, kuhama dzavo; ipapo vakadzokera Samaria.
16. Panguva iyo mambo Ahazi akatuma shoko kumadzibaba aAsiria, kuti vamubatsire.
17. Nokuti vaEdhomu vakanga vasvikazve, vakakunda vaJudha vakatapa vatapwa.
18. NavaFirisitiawo vakanga vavamba maguta amapani, naaiva kurutivi rwezasi rwaJudha, vakakunda Bhetishemeshi, neAijaroni, neGedheroti, neSoko, nemisha yawo, neTimina, nemisha yaro, neGimizo nemisha yaro; vakagarapo.
19. Nokuti Jehovha akaninipisa vaJudha nokuda kwaAhazi mambo waIsiraeri; nokuti akanga aita zvakaipa paJudha, akatadzira Jehovha kwazvo.
20. Zvino Tirigatipirineseri mambo weAsiria akauya kuzorwa naye, akamumanikidza, asi haana kumukunda.
21. Nokuti Ahazi akatora mugove wefuma paimba yaJehovha, napaimba yamambo, neyamachinda, akazvipa mambo weAsiria; asi hazvina kumubatsira.
22. Asi panguva yokutambudzika kwake, akanyanya kutadzira Jehovha, iye mambo Ahazi.
23. Nokuti akabayira vamwari veDhamasiko, vakanga vamukunda, akati, "Vamwari vamadzimambo aSiria zvavanovabatsira, ini ndichavabayirawo, kuti vandibatsirewo." Asi ivo vakamuparadza iye navalsiraeri vose pamwechete naye.
24. Zvino Ahazi akaunganidza midziyo yeimba yaMwari akaputsanya midziyo yeimba yaMwari, akapfiga mikova yeimba yaJehovha; akazviitira aritari pose-pose paJerusaremu.
25. Akaitawo matunhu akakwirira paguta rimwe nerimwe raJudha kuzopisira vamwe vamwari zvinonhuwira ipapo, akatsamwisa Jehovha Mwari wamadzibaba ake.
26. Zvino mamwe mabasa ake, netsika dzake dzose, dzokutanga nedzokupedzisira, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.
27. Ahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta, imo muJerusaremu; nokuti havana kumuisa pamarinda amadzimambo aIsiraeri; Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (28/36)