2Chronicles (27/36)  

1. Jotamu akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
2. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya; asi haana kupinda mutemberi yaJehovha. Vanhu vakaramba vachiita zvakashata.
3. Akavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha, akavakawo zvizhinji pamusoro porusvingo rweOferi.
4. Wakavakawo maguta panyika yamakomo yaJudha, uye akavaka nhare neshongwe mumatondo.
5. Akarwawo namambo wavana vaAmoni, akavakunda. Negore iro vana vaAmoni vakamupa matarenta esirivha ane zana, nezviyero zvezviyo zvine zviuru zvine gumi, nezviyero zvebhari zvine zviuru zvine gumi. Vana vaAmoni vakamupa zvizhinji zvakadai pagore rechipiri, negore rechitatuwo.
6. Naizvozvo Jotamu akasimba, nokuti akagadzira nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.
7. Zvino mamwe mabasa aJotamu, nokurwa kwake kwose netsika dzake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naaJudha.
8. Akatanga kubata ushe asvika makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi namatanhatu.
9. Jotamu akavata namadzibaba ake; vakamuviga muguta raDhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (27/36)