← 2Chronicles (26/36) → |
1. | Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya, akanga anamakore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. |
2. | lye akavaka Eroti, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake. |
3. | Uziya akanga anamakore gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekiria weJerusaremu. |
4. | Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvose sezvakaita baba vake Amazia. |
5. | Akashingaira kutsvaka Mwari namazuva aZekariya, akanga ane njere pakuziva zvaMwari; zvino pamazuva aakatsvaka Jehovha, Mwari akamukundisa. |
6. | Akandorwa navaFirisitia, akaputsa rusvingo rweGati, norusvingo rweJabhine, norusvingo rweAshidhodhi; akavaka maguta panyika yeAshidhodhi napakati pavaFirisitia. |
7. | Mwari akamubatsira pakurwa navaFirisitia, navaArabhia, vakanga vagere Guribhaari, nevaMeunimi. |
8. | VaAmoni vakavigira Uziya zvipo; mbiri yake ikapararira kusvikira pavanopinda napo paIjipiti; nokuti akasimba kwazvo. |
9. | Uziya akavakawo shongwe paJerusaremu pasuo rekona, napasuo romupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa. |
10. | Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda. |
11. | Uyewo Uziya akanga ane hondo yavarwi, vaindorwa vachiita mapoka, sezvavakaverengwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, vakatungamirirwa naHanania mumwe wavakuru vamambo. |
12. | Vose vakaverengwa kuvakuru vedzimba dzamadzibaba, ivo varume vaiva nesimba noumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu. |
13. | Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo. |
14. | Uziya akavagadzirira, ivo vose vehondo, nhovo, namapfumo, nengowani, nenguvo dzamatare, nouta, namabwe okupfura nawo. |
15. | Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba. |
16. | Asi akati asimba, moyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira. |
17. | Ipapo mupirisiti Azaria akamutevera akapinda ana vapirisiti vaJehovha vana makumi masere, vaiva varume voumhare. |
18. | Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, "Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapirisiti vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi." |
19. | Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hadyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapirisiti, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapirisiti muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuwira. |
20. | Zvino Azaria mupirisiti mukuru navapirisiti vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova. |
21. | Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika. |
22. | Zvino mamwe mabasa aUziya, okutanga nookupedzisira, akanyorwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi. |
23. | Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, "Una maperembudzi;" Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe. |
← 2Chronicles (26/36) → |