2Chronicles (26/36)  

1. Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Uziya, akanga anamakore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
2. lye akavaka Eroti, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
3. Uziya akanga anamakore gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekiria weJerusaremu.
4. Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvose sezvakaita baba vake Amazia.
5. Akashingaira kutsvaka Mwari namazuva aZekariya, akanga ane njere pakuziva zvaMwari; zvino pamazuva aakatsvaka Jehovha, Mwari akamukundisa.
6. Akandorwa navaFirisitia, akaputsa rusvingo rweGati, norusvingo rweJabhine, norusvingo rweAshidhodhi; akavaka maguta panyika yeAshidhodhi napakati pavaFirisitia.
7. Mwari akamubatsira pakurwa navaFirisitia, navaArabhia, vakanga vagere Guribhaari, nevaMeunimi.
8. VaAmoni vakavigira Uziya zvipo; mbiri yake ikapararira kusvikira pavanopinda napo paIjipiti; nokuti akasimba kwazvo.
9. Uziya akavakawo shongwe paJerusaremu pasuo rekona, napasuo romupata, napakudzoka kworusvingo, akadzisimbisa.
10. Akavakawo shongwe murenje, akacherawo matsime mazhinji, nokuti akanga ane zvipfuwo zvizhinji; napamapaniwo, napanyika yokumakomo; uye akanga ana varimi navasimi vamazambiringa pamakomo napaminda yakaworera, nokuti aida minda.
11. Uyewo Uziya akanga ane hondo yavarwi, vaindorwa vachiita mapoka, sezvavakaverengwa naJeieri munyori, naMaaseya murairi, vakatungamirirwa naHanania mumwe wavakuru vamambo.
12. Vose vakaverengwa kuvakuru vedzimba dzamadzibaba, ivo varume vaiva nesimba noumhare, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu.
13. Ivo vairaira hondo yakanga yakadzidziswa, vanhu vane zviuru zvina mazana matatu nezvinomwe namazana mashanu, vaigona kurwa nesimba guru, kuzobatsira mambo kurwa navavengi vavo.
14. Uziya akavagadzirira, ivo vose vehondo, nhovo, namapfumo, nengowani, nenguvo dzamatare, nouta, namabwe okupfura nawo.
15. Akaitawo paJerusaremu michini, yakaitwa navanhu vakangwara, ikaiswa pashongwe napamakona amasvingo, kuzoposhera nayo miseve namabwe makuru. Mbiri yake ikapararira; nokuti akabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.
16. Asi akati asimba, moyo wake ukazvikudza, akazoita zvakashata, akatadzira Jehovha Mwari wake; nokuti akapinda patemberi yaJehovha kundopisa zvinonhuwira paaritari yezvinonhuwira.
17. Ipapo mupirisiti Azaria akamutevera akapinda ana vapirisiti vaJehovha vana makumi masere, vaiva varume voumhare.
18. Ivo vakadzivisa mambo Uziya, vakati kwaari, "Nhandi Uziya, hazvifaniri kuti imi mupisire Jehovha zvinonhuwira, asi vapirisiti vanakomana vaAroni, vakatsaurwa kupisa zvinonhuwira; budai panzvimbo tsvene, nokuti madarika; hamungakudzwi naJehovha Mwari nokuda kwechinhu ichi."
19. Ipapo Uziya akatsamwa kwazvo; zvino iye akanga akabata hadyana yezvinonhuwira kuti apise zvinonhuwira; zvino akati achakatsamwira vapirisiti, maperembudzi akabuda pahuma yake pamberi pavapirisiti muimba yaJehovha, kurutivi rwearitari yezvinonhuwira.
20. Zvino Azaria mupirisiti mukuru navapirisiti vose vakatarira kwaari, vakaona kuti wava namaperembudzi pahuma yake, vakachimbidzika kumubudisapo; kunyange naiye akachimbidzika kubuda, nokuti Jehovha akanga amurova.
21. Zvino mambo Uziya akava namaperembudzi kusvikira pazuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba, anamaperembudzi; nokuti akadziviswa kupinda paimba yaJehovha; Jotamu mwanakomana wake akava mutariri weimba yamambo, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
22. Zvino mamwe mabasa aUziya, okutanga nookupedzisira, akanyorwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
23. Naizvozvo Uziya akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumadzibaba ake mumunda wamarinda aiva amadzimambo; nokuti vakati, "Una maperembudzi;" Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (26/36)