2Chronicles (25/36)  

1. Amazia akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu
2. Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomoyo wose.
3. Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake.
4. Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, "Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake."
5. Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo.
6. Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vavaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha.
7. Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, "Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose.
8. Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa."
9. Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, "Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri?" Munhu waMwari akapindura, akati, "Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo."
10. Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo.
11. Zvino Amazia akatsunga moyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi.
12. Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose.
13. Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji.
14. Zvino Amazia akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavafugamira, nokuvapisira zvinonhuwira.
15. Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, "Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?"
16. Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, "Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?" Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, "Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira."
17. Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, "Uya tirwe."
18. Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake,' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
19. Iwe unoti, `Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?' "
20. Asi Amazia akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu.
21. Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha.
22. Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
23. Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
24. Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
25. Zvino Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri.
26. Zvino mamwe mabasa aAmazia, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri?
27. Zvino kubva panguva yakarega Amazia kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
28. Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha.

  2Chronicles (25/36)