| ← 2Chronicles (25/36) → | 
| 1. | Amazia akanga ana makore makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe, zita ramai vake rakanga riri Jehoadhani weJerusaremu | 
| 2. | Iye akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kuita nomoyo wose. | 
| 3. | Zvino akati asimba paushe hwake, akauraya varanda vake vakauraya mambo baba vake. | 
| 4. | Asi haana kuuraya vana vavo, asi akaita sezvakanyorwa pamurayiro pabhuku yaMozisi, sezvakarairwa naJehovha, achiti, "Madzibaba haafaniri kufira vana vavo, navana havafaniri kufira madzibaba avo; asi munhu mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake." | 
| 5. | Amazia akaunganidzawo vaJudha, akagadza pamusoro pavo vatariri vezviuru navatariri vamazana nedzimba dzamadzibaba avo, ivo vaJudha vose navaBhenjamini; akavaverenga, vose vamakore ana makumi maviri navakapfuura, akavawana vari varume vane zviuru zvina mazana matatu vakatsaurwa, vaigona kurwa, vaigona kurwa nepfumo nenhovo. | 
| 6. | Akaripirawo varume vane simba noumahare vane zviuru zvine zana vavaIsiraeri, akavapa matarenta ane zana esirivha. | 
| 7. | Asi mumwe munhu waMwari akauya kwaari, akati, "Haiwa, mambo, hondo yavaIsiraeri ngairege kuenda nemi, nokuti Jehovha haapo panaIsiraeri, pavana vaEfuraimu vose. | 
| 8. | Asi endai imi moga, shingai murwe nesimba; Mwari angakukundisai navavengi here? Nokuti Mwari ane simba rokubatsira nerokukundisa." | 
| 9. | Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, "Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri?" Munhu waMwari akapindura, akati, "Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo." | 
| 10. | Ipapo Amazia akavaraura, iro pfumo rakanga rauya kwaari richibva kwaEfuremu, kuti vadzokerezve kumusha; nemhaka iyo vakatsamwira Judha kwazvo, vakadzokera kumusha vatsamwa kwazvo. | 
| 11. | Zvino Amazia akatsunga moyo, akatungamirira vanhu vake, akaenda kuMupata woMunyu, akauraya vana vaSeiri vane zviuru zvine gumi. | 
| 12. | Vana vaJudha vakatapa vane zviuru zvine gumi vari vapenyu, vakaenda navo pamusoro pedombo, vakavakandira pasi padombo, vakavhunikanya vose. | 
| 13. | Asi varume vehondo vakanga vadzoswa naAmazia, kuti varege kundorwa naye, vakandowira maguta aJudha, kubva paSamaria kusvikira paBhetihoroni, vakauraya vanhu vane zviuru zvitatu kwavari, vakapambara zvizhinji. | 
| 14. | Zvino Amazia akati achidzoka pakuuraya vaEdhomu, akauya navamwari vavana vaSeiri, akavaita vamwari vake, akavafugamira, nokuvapisira zvinonhuwira. | 
| 15. | Saka Jehovha akatsamwira Amazia, akatuma muporofita kwaari; iye akati kwaari, "Wakabvunzireiko vamwari vavanhu vakakoniwa kurwira vanhu vavo pamaoko ako?" | 
| 16. | Zvino wakati achataura naye, mambo akati kwaari, "Takakuita gurukota ramambo here? Nyarara, uchaurayirweiko?" Ipapo muporofita akanyarara, asi akati, "Ndinoziva kuti Mwari anofunga kukuparadza, nokuti wakaita izvozvi, ukasateerera zvandakakuraira." | 
| 17. | Ipapo Amazia mambo waJudha akatsvaka zano, akatuma kuna Joashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, "Uya tirwe." | 
| 18. | Joashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako ave mukadzi wake,' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato. | 
| 19. | Iwe unoti, `Tarira wakunda Edhomu; zvino moyo wako wava namanyawi, wozvikudza; gara hako zvino kumusha kwako; nokuti uchatsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?' " | 
| 20. | Asi Amazia akaramba kunzwa; nokuti zvakanga zvichibva kuna Mwari, kuti avaise mumaoko avavengi vavo; nokuti vakanga vatevera vamwari vaEdhomu. | 
| 21. | Naizvozvo Joashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakarwa paBhetishemeshi riri paJudha. | 
| 22. | Judha vakakundwa naIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake. | 
| 23. | Joashi mambo walsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waJehoahazi, paBhetishemeshi, akaenda naye Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana. | 
| 24. | Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maMwari kuna Obhedhi-Edhomu, nefuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria. | 
| 25. | Zvino Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakagara ari mupenyu makore ane gumi namashanu shure kwokufa kwaJoashi mwanakomana waJehoahazi mambo waIsiraeri. | 
| 26. | Zvino mamwe mabasa aAmazia, okutanga nookupedzisira, tarirai, haana kunyorwa here mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri? | 
| 27. | Zvino kubva panguva yakarega Amazia kutevera Jehovha, vakamurangana, vakamumukira paJerusaremu; iye ndokutizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo. | 
| 28. | Vakauya naye pamabhiza, vakamuviga kumadzibaba ake muguta raJudha. | 
| ← 2Chronicles (25/36) → |