2Chronicles (24/36)  

1. Joashi akanga asvika makore manomwe pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.
2. Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupirisiti Jehoyadha.
3. Jehoyadha akamutsvakira vakadzi vaviri; akabereka vanakomana navanasikana .
4. Zvino shure kwaizvozvi Joashi akarangarira kuvandudza imba yaJehovha.
5. Akakokera vapirisiti navaRevhi, akati kwavari, "Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvalsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubve machimbidzikira chinhu ichi!" Asi vaRevhi havana kuchimbidzika.
6. Zvino mambo akadana mukuru Jehoyadha, akati kwaari, "Makaregereiko kuraira vaRevhi kundounganidza mutero waMozisi muranda waJehovha paJudha napaJerusaremu napaungano yaIsiraeri, zviiswe patende rechipupuriro?"
7. Nokuti vanakomana vaAtaria, mukadzi uya wakaipa, vakanga vaputsa imba yaMwari; nezvinhu zvose zveimba yaJehovha, zvakanga zvakatsaurirwa Mwari, vakazvipa vaBhaari.
8. Naizvozvo mambo akaraira, vakaveza bhokisi, vakariisa kunze kwesuo reimba yaJehovha.
9. Zvino vakatuma shoko pakati paJudha neJerusaremu, kuti vanhu vavigire Jehovha mutero wakarairwa vaIsiraeri murenje naMozisi muranda waMwari.
10. Machinda ose navanhu vose vakafara, vakauya nazvo, vakazvikanda mubhokisi, kusvikira vapedza.
11. Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupirisiti mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji.
12. Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vaibata mabasa paimba yaJehovha; vakaripira vavezi vamabwe namatanda, kuti vavandudze imba yaJehovha, navapfuri vamatare nendarira, kuti vagadzire imba yaJehovha.
13. Naizvozvo vabati vakabata, basa rikapedzwa navo; vakagadzira imba yaMwari sezvayakanga yakaita kare, vakaisimbisa.
14. Zvino vakati vapedza, vakauya nemari yakasara kuna mambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, iri midziyo yokubata nayo, nokubayira nayo, nezvirongo nemidziyo yendarama nesirivha. Vaibayira zvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha mazuva ose aJehoyadha.
15. Asi Jehoyadha akazokwegura, akava namazuva mazhinji ndokufa; akanga ana makore ane zana namakumi matatu pakufa kwake.
16. Vakamuviga paguta raDhavhidhi pakati pamadzimambo; nokuti akanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsiraeri.
17. Zvino Jehoyadha akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera.
18. Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusaremu pamusoro pemhaka iyi.
19. Kunyange zvakadaro akavatumira vaporofita kuzovadzoserazve kuna Jehovha; ivo vakavapupurira, asi vakaramba kunzwa.
20. Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupirisiti Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, "Zvanzi naMwari, `Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakakusiyayiwo., "
21. Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo.
22. Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehoyadha baba vake, asi akauraya mwanakomana wake. Zvino wakati achifa, akati, "Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive."
23. Zvino gore rakati ropera, hondo yavaSiria ikasvika kuzorwa naye; vakasvika paJudha napaJerusaremu vakaparadza machinda ose avanhu pakati pavanhu, vakatuma zvose zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko.
24. Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; Jehovha akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari.
25. Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupirisiti Jehoyadha, vakamuurayira panhovo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo.
26. Vakarangana pamusoro pake ndivava: Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, naJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti mukadzi muMoabhu.
27. Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (24/36)