← 2Chronicles (23/36) → |
1. | Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri. |
2. | Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu. |
3. | Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, "Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi. |
4. | Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapirisiti navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova; |
5. | chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha. |
6. | Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapirisiti navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha. |
7. | VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda." |
8. | Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupirisiti Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda. |
9. | mupirisiti Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhovo, nenhovo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari. |
10. | Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo. |
11. | Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, "Mambo ngaararame!" |
12. | Zvino mambo Ataria vakati vachinzwa mhere-mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha; |
13. | akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo mambo Ataria vakabvarura nguvo dzavo, vakati, "Ndamukirwa, ndamukirwa!" |
14. | mupirisiti Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, "Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, `Regai kumuuraya mumba maJehovha " |
15. | Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo. |
16. | Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha. |
17. | Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari. |
18. | Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapirisiti vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi. |
19. | Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi. |
20. | Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe. |
21. | Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo. |
← 2Chronicles (23/36) → |