2Chronicles (23/36)  

1. Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akazvisimbisa, akaita sungano navakuru vamazana, vaiti: Azaria mwanakomana waJerohami, naIshimaeri mwanakomana waJehohanani, naAzaria mwanakomana waObhedhi, naMaaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikiri.
2. Vakapota nenyika yaJudha, vakakokera vaRevhi vapamaguta ose aJudha, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, vakasvika Jerusaremu.
3. Ungano yose ikaita sungano namambo mumba maMwari. Iye akati kwavari, "Tarirai, mwanakomana wamambo achabata ushe, sezvakarehwa naJehovha pamusoro pavanakomana vaDhavhidhi.
4. Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu chavapirisiti navaRevhi, munofanira kuva varindi vemikova;
5. chimwe chetatu chinofanira kuva paimba yamambo, nechimwe chetatu pasuo renheyo; navanhu vose vanofanira kuva pavazhe dzeimba yaJehovha.
6. Asi ngakurege kuva nomunhu mumwe anopinda mumba maJehovha, asi vapirisiti navaRevhi vanobatamo; ivo ngavapinde nokuti vatsvene; asi vanhu vose vanofanira kurinda imba yaJehovha.
7. VaRevhi vanofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani anopinda paimba, anofanira kuurawa; mugare namambo kana achipinda uye kana achibuda."
8. Naizvozvo vaRevhi navaJudha vose vakaita zvose zvavakarairwa nomupirisiti Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata naivo vaifanira kubuda neSabata; nokuti mupirisiti Jehoyadha haana kutendera mapoka kuenda.
9. mupirisiti Jehoyadha akapa vakuru vamazana mapfumo, nenhovo, nenhovo duku, zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maMwari.
10. Akarongedza vanhu vose, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
11. Ipapo vakabudisa mwanakomana wamambo, vakamudzika korona, vakamupa chipupuriro, vakamuita mambo; Jehoyadha navanakomana vake vakamuzodza; vakati, "Mambo ngaararame!"
12. Zvino mambo Ataria vakati vachinzwa mhere-mhere yavanhu vakanga vachimhanya nokurumbidza mambo, vakapinda kuvanhu mumba maJehovha;
13. akatarira, akaona mambo amire pambiru yake pavaipinda napo, navakuru navane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda; vaimbiwo vakaridza zvokuridza nazvo, vakaraira vairumbidza nokuimba kwavo. Ipapo mambo Ataria vakabvarura nguvo dzavo, vakati, "Ndamukirwa, ndamukirwa!"
14. mupirisiti Jehoyadha akabudisa vakuru vamazana vairaira hondo, akati kwavari, "Mubudisei pakati pemisara yavanhu; ani naani anomutevera iye, ngaaurawe nomunondo; nokuti mupirisiti wakati, `Regai kumuuraya mumba maJehovha "
15. Naizvozvo vakamudziurira nzira, vakaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, vakamuurayirapo.
16. Ipapo Jehoyadha akaita sungano, iye navanhu vose namambo, kuti vave vanhu vaJehovha.
17. Vanhu vose vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsanya aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupirisiti waBhaari pamberi pearitari.
18. Jehoyadha akaraira mabasa eimba yaJehovha kuti atarirwe navapirisiti vaRevhi, vakanga varongedzwa naDhavhidhi mumba maJehovha, kuti vapisire Jehovha zvipiriso zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurayiro waMozisi, nomufaro nokuimba, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi.
19. Akagadzawo vatariri pamusuo eimba yaJehovha, kuti parege kupinda munhu wakasvibiswa nechinhu chipi nechipi.
20. Akaenda ana vakuru vamazana, navaikudzwa, navabati vavanhu, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakapinda mumba mamambo napasuo rokumusoro, vakagadza mambo pachigaro choushe.
21. Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; asi Ataria vakanga vamuuraya nomunondo.

  2Chronicles (23/36)