| ← 2Chronicles (20/36) → |
| 1. | Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vavaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati. |
| 2. | Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, "Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari," (ndiro Enigedi). |
| 3. | Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokuzvinyima zvokudya panyika yose yavaJudha. |
| 4. | VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha. |
| 5. | Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva; |
| 6. | akati, "Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imi hamuzi mubati woushe hwose hwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai. |
| 7. | "Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi? |
| 8. | Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti, |
| 9. | `Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira,' |
| 10. | "Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavaparadza; |
| 11. | tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu. |
| 12. | "Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? Nokuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri." |
| 13. | Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo. |
| 14. | Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano; |
| 15. | iye akati, "Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere paJerusaremu, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri, `Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. |
| 16. | Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weRizi; muchavawana pakuguma kwomupata, pamberi perenje reJerueri. |
| 17. | Imi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nokuti Jehovha anemi.' " |
| 18. | Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha. |
| 19. | NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nenzwi guru kwazvo. |
| 20. | Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, "Chindinzwai imi vaJudha nemi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda." |
| 21. | Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguvo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti, "Vongai Jehovha, nokuti nyasha dzake hadziperi." |
| 22. | Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa. |
| 23. | Nokuti vana vaAmoni navaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana. |
| 24. | Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka. |
| 25. | Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo fuma zhinji, nezvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kwokuwanda kwazvo. |
| 26. | Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nokuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi. |
| 27. | Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nokuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo. |
| 28. | Vakasvika Jerusaremu nemitengeramwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha. |
| 29. | Ipapo ushe hwose hwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri. |
| 30. | Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nokuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose. |
| 31. | Jehoshafati akabata ushe hwaJudha; akanga asvika makore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namashanu; zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi. |
| 32. | Akafamba nenzira yababa vake Asa; haana kutsauka pairi, akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha. |
| 33. | Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, navanhu vakanga vachigere kutevera Mwari wamadzibaba avo nomoyo wose. |
| 34. | Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, okutanga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mwanakomana waHanani, akaiswa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri. |
| 35. | Shure kwaizvozvi Jehoshafati mambo waJudha wakasungana naAhazia mambo waIsiraeri; iye aifamba nenzira yakaipa kwazvo; |
| 36. | akasungana naye pakuvaka zvikepe zvaienda Tarishishi; vakavaka zvikepe paEZiyonigebheri. |
| 37. | Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, "Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako." Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi. |
| ← 2Chronicles (20/36) → |