2Chronicles (2/36)  

1. Zvino Soromoni akada kuvakira zita raJehovha imba, neimba youshe hwake.
2. Soromoni akaverenga varume vane zviuru zvina makumi manomwe kuzotakura mitoro, navarume vane zviuru zvina makumi masere kuzotema matanda pamakomo, navane zviuru zvitatu namazana matanhatu kuzova vatariri vavo.
3. Soromoni akatuma shoko kuna Hurami mambo weTire, akati, "Sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, mukavatumira misidhari yokuzvivakira nayo imba yokugaramo, mundiitirewo saizvozvo.
4. Tarirai, ndovakira zita raJehovha Mwari wangu imba, ndimutsaurire iyo, kuti ndipisire pamberi pake zvinonhuwira zvemiti yakanaka, nokuisapo zvingwa zvokuratidza zvenguva dzose nezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa naJehovha Mwari wedu. Ndizvo zvakarairwa vaIsiraeri nokusingaperi.
5. Imba yandinovaka ihuru; nokuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwari vose.
6. Asi ndianiko anogona kumuvakira imba, denga nokudenga-denga zvarisingagoni kumuringana? Zvino ini ndini aniko, kuti ndimuvakire imba, asi kungopisa zvinonhuwira pamberi pake?
7. Naizvozvo zvino chinditumirai murume akangwara pakubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, nemicheka mishava, nemitsvuku, nemitema, uye anoziva kuveza zvose, abate pamwechete navarume vakangwara vandinavo paJudha napaJerusaremu, vakaiswapo nababa vangu Dhavhidhi.
8. Nditumireiwo misidhari, nemisipiresi, namatanda emiarigumi yapaRibhanoni; nokuti ndinoziva kuti varanda venyu, vane njere dzokutema matanda paRibhanoni; tarirai varanda vangu vachava navaranda venyu,
9. kundigadzirira matanda akawanda; nokuti imba yandobva ndovaka ichava huru zvinoshamisa.
10. Tarirai, ndichapa varanda venyu, ivo vanotema matanda, zviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvezviyo, nezviyero zvine zviuru zvamakumi maviri zvebhari, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri ewaini, namabhati ane zviuru zvamakumi maviri amafuta."
11. Ipapo Hurami mambo weTire akapindura mutsamba yaakatuma kuna Soromoni, akati, "Jehovha akada vanhu vake, saka akakuita mambo wavo."
12. Hurami akatiwo, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akasika denga napasi, akapa mambo Dhavhidhi mwanakomana akangwara, akapiwa kungwara nokuziva, kuvakira Jehovha imba neimba youshe hwake.
13. Zvino ndatuma munhu akachenjera, akapiwa zivo, iye Hurami Abhi,
14. mwanakomana womukadzi pakati pavakunda vaDhani, baba vake aiva munhu weTire, anoziva kubata mabasa endarama, nesirivha, nendarira, namatare, namabwe, namatanda, nemicheka mishava, nemitema, nemicheka yakaisvonaka, nemicheka mitsvuku; uye kuveza kwose, nokufunga mano ose; iye ngaapiwe ugaro pakati pavarume venyu vakachenjera, navarume vakachenjera vashe wangu Dhavhidhi baba venyu.
15. Naizvozvo zvino ishe wangu ngaatumire varanda vake zviyo, nebhari, namafuta newaini, sezvaakataura;
16. isu tichatema matanda paRebhanoni, sezvamunoda; tichaasvitsa kwamuri akabatanidzwa, aende Jopa negungwa; imi mugokwira nawo Jerusaremu."
17. Ipapo Soromoni akaverenga vatorwa vose vaiva panyika yaIsiraeri, sezvavakanga vaverengwa naDhavhidhi baba vake, vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvitatu namazana matanhatu.
18. Akaraira vane zviuru zvina makumi manomwe vave vatakuri vemitoro, navane zviuru zvina makumi masere vateme matanda pamakomo, uye vane zviuru zvitatu namazana matanhatu vave vatariri kuzoraira vanhu pakubata.

  2Chronicles (2/36)