2Chronicles (19/36)  

1. Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu.
2. Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, "Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai.
3. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nokuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomoyo wose."
4. Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
5. Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe;
6. akati kuvatongi, "Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.
7. Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro."
8. Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapirisiti, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu.
9. Akavaraira, achiti, "Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune moyo yakarurama.
10. Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.
11. Zvino tarirai, Amaria mupirisiti mukuru achakurairai pamashoko ose aJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka."

  2Chronicles (19/36)