| ← 2Chronicles (18/36) → |
| 1. | Zvino Jehoshafati akanga ane fuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi. |
| 2. | Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye RamotiGiriyadhi. |
| 3. | Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, "Muchaenda neni RamotiGiriyadhi here?" Iye akapindura, akati, "Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa." |
| 4. | Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, "Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi." |
| 5. | Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, "Tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Ivo vakati, "Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo." |
| 6. | Asi Jehoshafati akati, "Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?" |
| 7. | Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira." Jehoshafati akati, "Mambo ngaarege kudaro." |
| 8. | Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, "Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira." |
| 9. | Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo. |
| 10. | Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, "Zvanzi naJehovha, `Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.' " |
| 11. | Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, "Endai RamotiGiriyadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo." |
| 12. | Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, "Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka." |
| 13. | Ipapo Mikaya akati, "NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura." |
| 14. | Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, "Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege?" Iye akati, "Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu." |
| 15. | Mambo akati kwaari, "Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?" |
| 16. | Iye akati, "Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, `Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.' " |
| 17. | Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?" |
| 18. | Mikaya akati, "Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake. |
| 19. | "Ipapo Jehovha akati, `Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi?' Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti. |
| 20. | Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, `Ini ndichandomunyengera.' Jehovha akati kwauri, `Neiko?' |
| 21. | Iwo ukati, `Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose.' Iye akati, `Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.' |
| 22. | "Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu." |
| 23. | Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, "Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?" |
| 24. | Mikaya akati, "Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati." |
| 25. | Ipapo mambo waIsiraeri akati, "Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo, |
| 26. | muti, 'Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.' " |
| 27. | Ipapo Mikaya akati, "Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni." Akati, "Inzwai, imi vanhu, imi mose." |
| 28. | Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi. |
| 29. | Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, "Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzako dzoushe." Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa. |
| 30. | Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, "Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga." |
| 31. | Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, "Ndiye mambo waIsiraeri." Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega. |
| 32. | Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera. |
| 33. | Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, "Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo." |
| 34. | Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa. |
| ← 2Chronicles (18/36) → |