2Chronicles (17/36)  

1. Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri.
2. Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake.
3. Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari;
4. asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri.
5. Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nefuma nokukudzwa zvizhinji.
6. moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.
7. Uye pagore rechitatu rokubata kwake ushe akatuma machinda ake, vanaBhenihairi, naObhadhiya, naZekariya, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJudha;
8. uye pamwechete navo vaRevhi, vana Shemaya, naNetania, naZebhadhia, naAshaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhonia, naTobhiya, naTobhiadhonia, vari vaRevhi; uye pamwechete navo Erishama naJehoramu, vapirisiti.
9. Vakandodzidzisa pakati paJudha, vane bhuku yomurayiro waJehovha; vakafamba vachipota namaguta ose aJudha, vachidzidzisa pakati pavanhu.
10. Ushe hwose hwenyika dzose dzakanga dzakapoteredza Judha, vakavhunduswa naJehovha, vakasarwa naJehoshafati.
11. Vamwe vaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nesirivha yomutero; vaArabhiawo vakamuvigira makwai, makondohwe ane zviuru zvinomwe namazana manomwe, nenhongo dzembudzi dzine zviuru zvinomwe namazana manomwe.
12. Jehoshafati akazova mukuru kwazvo, akavaka pakati paJudha nhare namaguta amatura.
13. Waiva namabasa mazhinji mumaguta aJudha, navarwi, varume vane simba noumhare paJerusaremu.
14. Zvino ndiwo mazita avo nedzimba, dzamadzibaba avo: Pakati paJudha, vakuru vezviuru: Adhina mukuru, uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru zvina mazana matatu;
15. tevere Jehohanani mukuru, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere;
16. tevere Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa kuna Jehovha nomoyo wake wose; uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru pakati
17. pavaBhenjamini: Eriadha munhu ane simba noumhare, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri vakanga vakabata uta nenhovo;
18. tevere Jehozabhadhi, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvine zana namakumi masere, vakanga vakazvigadzirira kurwa.
19. Ndivo vaibatira mambo, vamwe vakanga vaiswa namambo mumaguta akakombwa panyika yose yaJudha vasingaverengwi.

  2Chronicles (17/36)