| ← 2Chronicles (17/36) → |
| 1. | Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri. |
| 2. | Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake. |
| 3. | Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari; |
| 4. | asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri. |
| 5. | Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nefuma nokukudzwa zvizhinji. |
| 6. | moyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha. |
| 7. | Uye pagore rechitatu rokubata kwake ushe akatuma machinda ake, vanaBhenihairi, naObhadhiya, naZekariya, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJudha; |
| 8. | uye pamwechete navo vaRevhi, vana Shemaya, naNetania, naZebhadhia, naAshaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdhonia, naTobhiya, naTobhiadhonia, vari vaRevhi; uye pamwechete navo Erishama naJehoramu, vapirisiti. |
| 9. | Vakandodzidzisa pakati paJudha, vane bhuku yomurayiro waJehovha; vakafamba vachipota namaguta ose aJudha, vachidzidzisa pakati pavanhu. |
| 10. | Ushe hwose hwenyika dzose dzakanga dzakapoteredza Judha, vakavhunduswa naJehovha, vakasarwa naJehoshafati. |
| 11. | Vamwe vaFirisitia vakavigira Jehoshafati zvipo, nesirivha yomutero; vaArabhiawo vakamuvigira makwai, makondohwe ane zviuru zvinomwe namazana manomwe, nenhongo dzembudzi dzine zviuru zvinomwe namazana manomwe. |
| 12. | Jehoshafati akazova mukuru kwazvo, akavaka pakati paJudha nhare namaguta amatura. |
| 13. | Waiva namabasa mazhinji mumaguta aJudha, navarwi, varume vane simba noumhare paJerusaremu. |
| 14. | Zvino ndiwo mazita avo nedzimba, dzamadzibaba avo: Pakati paJudha, vakuru vezviuru: Adhina mukuru, uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru zvina mazana matatu; |
| 15. | tevere Jehohanani mukuru, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere; |
| 16. | tevere Amasia mwanakomana waZikiri, wakazvipa kuna Jehovha nomoyo wake wose; uye pamwechete naye varume vane simba noumhare vane zviuru pakati |
| 17. | pavaBhenjamini: Eriadha munhu ane simba noumhare, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvina mazana maviri vakanga vakabata uta nenhovo; |
| 18. | tevere Jehozabhadhi, uye pamwechete naye varume vane zviuru zvine zana namakumi masere, vakanga vakazvigadzirira kurwa. |
| 19. | Ndivo vaibatira mambo, vamwe vakanga vaiswa namambo mumaguta akakombwa panyika yose yaJudha vasingaverengwi. |
| ← 2Chronicles (17/36) → |