← 2Chronicles (16/36) → |
1. | Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha. |
2. | Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati, |
3. | " Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri." |
4. | Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari. |
5. | Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake. |
6. | Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa. |
7. | Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, "Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako. |
8. | "Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru-huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako. |
9. | Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nokuti kubva zvino uchavingwa nokurwa." |
10. | Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutorongo; nokuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu. |
11. | Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri. |
12. | Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n’anga. |
13. | Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe. |
14. | Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhovo dzizere nezvinonhuwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuwira vakangwara; vakamupis ira zvizhinji-zhinji. |
← 2Chronicles (16/36) → |