2Chronicles (15/36)  

1. Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi;
2. akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, "Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo."
3. Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wezvokwadi, kana mupirisiti anodzidzisa, kana murayiro;
4. asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.
5. Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru.
6. Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nokuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose.
7. Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nokuti basa renyu richapiwa mubayiro.
8. Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi pebiravira raJehovha.
9. Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimiyoni, nokuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
10. Naizvozvo vakaungana paJerusaremu nomwedzi wechitatu, negore regumi namashanu rokubata ushe kwaAsa.
11. Vakabayira Jehovha zuva irero zvimwe zvavakanga vapamba vakauya nazvo, zvaiti: Nzombe dzina mazana manomwe, namakwai ane zviuru zvinomwe.
12. Vakazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemoyo yavo yose uye nemweya yavo yose;
13. uye kuti ani naani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsiraeri aurawe, kana ari muduku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume.
14. Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda uye nemimanzi.
15. VaJudha vose vakafara nokupika uku; nokuti vakanga vapika nemoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kwose; iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.
16. Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nokuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
17. Asi matunhu akakwirira haana kubviswa pakati paIsiraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakanga wakarurama kwazvo mazuva ake ose.
18. Akaisa mumba maMwari zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Mwari nababa vake, nezvakanga zvatsaurwa naiye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
19. Kurwa hakuna kuzovapo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokubata ushe kwaAsa.

  2Chronicles (15/36)