2Chronicles (14/36)  

1. Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
2. Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
3. Nokuti akabvisa aritari dzavamwari vatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;
4. akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurayiro.
5. Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvifananidzo zvezuva; ushe hukava norugare iye ari mambo.
6. Akavaka maguta akakombwa paJudha; nokuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehovha akanga amuzorodza.
7. Nokuti akati kuvaJudha, "Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose." Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
8. Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
9. Zvino Zera multiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.
10. Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.
11. Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, "Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. Imi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi."
12. Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.
13. Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kuzosimbazve; nokuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
14. Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nokuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.
15. Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera Jerusaremu.

  2Chronicles (14/36)