2Chronicles (12/36)  

1. Zvino ushe hwaRehobhoamu hwakati hwasimbiswa, iye ava nesimba, akarasha murayiro waJehovha, navaIsiraeri vose pamwechete naye.
2. Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weIjipiti akasvika kuzorwa neJerusaremu, nokuti vakanga vatadzira Jehovha,
3. ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana maviri, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi matanhatu, navanhu vakabva naye Ijipiti, vakanga vasingagoni kuverengwa, vaiti: vaRubhimi, navaSukimi, navaItiopia.
4. Akakunda maguta akakombwa aJudha, akasvika Jerusaremu.
5. Zvino Shemaya muporofita akasvika kuna Rehobhoamu nokumachinda aJudha akanga akaungana paJerusaremu nemhaka yaShishaki, akati kwavari, "Zvanzi naJehovha, `Mandirasha, saka ndakakuregeraiwo paruoko rwaShishaki.' "
6. Ipapo machinda aIsiraeri namambo vakazvininipisa, vakati, "Jehovha akarurama."
7. Zvino Jehovha akati achiona kuti vazvininipisa, shoko raJehovha rikasvika kuna Shemaya, richiti, "Vazvininipisa, handingavaparadzi, asi ndobva ndovarwira; kutsamwa kwangu hakungadururwi pamusoro peJerusaremu noruoko rwaShishaki.
8. Kunyange zvakadaro vachava varanda vake; kuti vazive kuti zvakadini kundishumira ini nokushumira ushe hwenyika dzimwe."
9. Naizvozvo Shishaki mambo weIjipiti akandorwa neJerusaremu, akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose; akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakaitwa naSoromoni.
10. Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yazvo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
11. Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
12. Zvino akati azvininipisa, kutsamwa kwaJehovha kukabviswa kwaari, akasaparadzwa chose; uyezve, kuna Judha zvimwe zvakanaka zvakawanikwa.
13. Nokudaro mambo Rehobhoamu akazvisimbisa paJerusaremu, akabata ushe; nokuti Rehobhomu akanga ane makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namanomwe, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakemo; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
14. Akaita zvakaipa, nokuti haana kushingaira kutsvaka Jehovha.
15. Zvino mabasa aRehobhoamu, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here mumashoko omuporofita Shemaya, noomuoni Idho, mazita amadziteteguru achiverengwawo? Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoami nguva dzose.
16. Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (12/36)