| ← 2Chronicles (11/36) → |
| 1. | Zvino Rehobhoamu akati achisvika Jerusaremu, akaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuti varwe navaIsiraeri, kuti vadzosere ushezve kuna Rehobhoamu. |
| 2. | Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari, richiti, |
| 3. | " Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, navaIsiraeri vose paJudha naBhenjamini, uti, |
| 4. | zvanzi naJehovha, `Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.' " Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami. |
| 5. | Rehobhoamu akagara Jerusaremu, akavaka maguta enhare paJudha. |
| 6. | Akavaka Bheterehemu, neEtami, neTekoa, |
| 7. | neBhetizuri, neSoko, neAdhuramu, |
| 8. | neGati, neMaresha, neZifi, |
| 9. | neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka, |
| 10. | neZora, neAijaroni, neHebhuroni, akanga ari maguta akakombwa paJudha neBhenjamini. |
| 11. | Akasimbisa nhare, akaisamo vakuru, nezvokudya zvakaunganidzwamo, namafuta, newaini. |
| 12. | Muguta rimwe nerimwe akaisa nhovo namapfumo, akaasimbisa kwazvo kwazvo. Judha naBenjamini vakanga vari vake. |
| 13. | Navapirisiti navaRevhi, vaiva pakati palsiraeri yose, vakaungana kwaari, vachibva panyika yavo yose. |
| 14. | Nokuti vaRevhi vakabva pamafuro avo nefuma yavo, vakaenda kwaJudha neJerusaremu; nokuti Jerobhoami navanakomana vake vakavadzinga, kuti varege kubata basa roupirisiti pamberi paJehovha. |
| 15. | Iye akazvitsaurira vapirisiti vapamatunhu akakwirira, navezvifananidzo zvenhongo dzembudzi, navemhuru dzaakaita. |
| 16. | Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo. |
| 17. | Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, vakasimbisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni makore matatu. |
| 18. | Rehobhoamu akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi, nowaAbhihairi mukunda waEriabhi mwanakomana waJese. |
| 19. | Iye akamuberekera vanakomana, vaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami. |
| 20. | Pashure akawanawo Maaka mukunda waAbhusaromu; iye akamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti. |
| 21. | Rehobhoamu akada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose navarongo vake; (nokuti akawana vakadzi vane gumi navasere navarongo vana makumi matanhatu, akabereka vanakomana vana makumi maviri navasere navanasikana makumi matanhatu.) |
| 22. | Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka ave mukuru nomuchinda pakati pavana vababa vake; nokuti akanga achida kumuita mambo. |
| 23. | Akaita nokungwara, akaparadzira vanakomana vake vose panyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; akavapa zvokudya zvakawanda. Akavatsvakirawo vakadzi vazhinji. |
| ← 2Chronicles (11/36) → |