2Chronicles (11/36)  

1. Zvino Rehobhoamu akati achisvika Jerusaremu, akaunganidza veimba yaJudha naBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuti varwe navaIsiraeri, kuti vadzosere ushezve kuna Rehobhoamu.
2. Asi shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari, richiti,
3. " Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, navaIsiraeri vose paJudha naBhenjamini, uti,
4. zvanzi naJehovha, `Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.' " Naizvozvo vakateerera mashoko aJehovha, vakadzoka pakundorwa naJerobhoami.
5. Rehobhoamu akagara Jerusaremu, akavaka maguta enhare paJudha.
6. Akavaka Bheterehemu, neEtami, neTekoa,
7. neBhetizuri, neSoko, neAdhuramu,
8. neGati, neMaresha, neZifi,
9. neAdhoraimi, neRakishi, neAzeka,
10. neZora, neAijaroni, neHebhuroni, akanga ari maguta akakombwa paJudha neBhenjamini.
11. Akasimbisa nhare, akaisamo vakuru, nezvokudya zvakaunganidzwamo, namafuta, newaini.
12. Muguta rimwe nerimwe akaisa nhovo namapfumo, akaasimbisa kwazvo kwazvo. Judha naBenjamini vakanga vari vake.
13. Navapirisiti navaRevhi, vaiva pakati palsiraeri yose, vakaungana kwaari, vachibva panyika yavo yose.
14. Nokuti vaRevhi vakabva pamafuro avo nefuma yavo, vakaenda kwaJudha neJerusaremu; nokuti Jerobhoami navanakomana vake vakavadzinga, kuti varege kubata basa roupirisiti pamberi paJehovha.
15. Iye akazvitsaurira vapirisiti vapamatunhu akakwirira, navezvifananidzo zvenhongo dzembudzi, navemhuru dzaakaita.
16. Zvino vose pakati pamarudzi ose avaIsiraeri, vakanga vachitsvaka Jehovha nomoyo wose, vakavatevera, vakaenda Jerusaremu kuzobayira Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
17. Saizvozvo vakasimbisa ushe hwaJudha, vakasimbisa Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti vakafamba panzira yaDhavhidhi naSoromoni makore matatu.
18. Rehobhoamu akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi, nowaAbhihairi mukunda waEriabhi mwanakomana waJese.
19. Iye akamuberekera vanakomana, vaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami.
20. Pashure akawanawo Maaka mukunda waAbhusaromu; iye akamuberekera Abhija, naAtai, naZiza, naSheromiti.
21. Rehobhoamu akada Maaka mukunda waAbhusaromu kupfuura vakadzi vake vose navarongo vake; (nokuti akawana vakadzi vane gumi navasere navarongo vana makumi matanhatu, akabereka vanakomana vana makumi maviri navasere navanasikana makumi matanhatu.)
22. Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka ave mukuru nomuchinda pakati pavana vababa vake; nokuti akanga achida kumuita mambo.
23. Akaita nokungwara, akaparadzira vanakomana vake vose panyika dzose dzaJudha naBhenjamini kumaguta ose enhare; akavapa zvokudya zvakawanda. Akavatsvakirawo vakadzi vazhinji.

  2Chronicles (11/36)