2Chronicles (10/36)  

1. Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nokuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.
2. Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa, (nokuti akanga achiri Ijipiti kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Ijipiti.
3. Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoami navaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
4. "Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
5. Iye akati kwavari, "Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera." Vanhu vakaenda.
6. papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, "Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?"
7. Ivo vakataura kwaari, vakati, "Kana mukaitira vanhu ava nomoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi."
8. Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.
9. Akati kwavari, "Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, `Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?' "
10. Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, "Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, `Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,' utaure kwavari uti, `Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11. Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.' "
12. Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, "Dzokerai kwandirizve nezuva retatu."
13. Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,
14. akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, "Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada."
15. Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
16. Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, "Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako." Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
17. Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.
18. Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana vaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
19. Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

  2Chronicles (10/36)