1Timothy (6/6)    

1. Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa.
2. Avo vanavatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire.
3. Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nokunamata Mwari,
4. unongozvikudza, asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa,
5. nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.
6. Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo;
7. nokuti hatina kuvuya nechinhu panyika, hatigoni vo kubuda tinechinhu.
8. asi kana tinezvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.
9. Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.
10. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi we zvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
11. Asi iwe, munhu waMwari, tizazvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, novunyoro.
12. Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise vupenyu bwusingaperi, bwawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvizhinji.
13. Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato;
14. kuti uchengete murairo, usinoruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuvonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;
15. kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe';
16. iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
17. Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo;
18. kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana;
19. vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo.
20. Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo;
21. iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi.

  1Timothy (6/6)