← 1Timothy (6/6) |
1. | Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. |
2. | Avo vanavatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi navanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka. Dzidzisa zvinhu izvi, uzviraire. |
3. | Kana kunomunhu unodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inofambirana nokunamata Mwari, |
4. | unongozvikudza, asingazivi chinhu, asi unongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, |
5. | nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. |
6. | Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo; |
7. | nokuti hatina kuvuya nechinhu panyika, hatigoni vo kubuda tinechinhu. |
8. | asi kana tinezvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. |
9. | Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. |
10. | Nokuti kuda mari ndiwo mudzi we zvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji. |
11. | Asi iwe, munhu waMwari, tizazvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, novunyoro. |
12. | Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise vupenyu bwusingaperi, bwawakadanirwa kwabwuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pe zvapupu zvizhinji. |
13. | Ndinokuraira pamberi paMwari, unopa zvinhu zvose vupenyu bwazvo, napamberi paKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; |
14. | kuti uchengete murairo, usinoruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuvonekwa kwaShe wedu, Jesu Kristu; |
15. | kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga wakaropafadzwa noWamasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe'; |
16. | iye oga usingafi, ugere pachiedza chisingagoni kuti munhu aswedere kwachiri; usina kumbovonekwa nomunhu, vuye usingagoni kuvonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni. |
17. | Raira vafumi panyika yazvino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo; |
18. | kuti vaite zvakanaka, vave vafumi pamabasa akanaka, vafarire kupa vamwe, nokugovana; |
19. | vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inovuya, kuti vabatisise vupenyu chaibwo. |
20. | Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusinehanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo., dziri nhema hadzo; |
21. | iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda. Nyasha ngadzive nemi. |
← 1Timothy (6/6) |