1Timothy (5/6)  

1. Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una,
2. navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomoyo kwose.
3. Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.
4. Asi kana chirikadzi inavana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari.
5. Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati.
6. Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu.
7. Raira vo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
8. Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.
9. Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete,
10. inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka.
11. Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa;
12. dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga;
13. vuye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira.
14. Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo.
15. Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
16. Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
17. Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.
18. Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; vuye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake.
19. Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.
20. Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya.
21. Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
22. Usakurumidza kuisa mavoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena.
23. Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako novutera bwako bwuzhinji.
24. Zvivi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo,
25. Saizvozvo vo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.

  1Timothy (5/6)