← 1Timothy (5/6) → |
1. | Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una, |
2. | navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomoyo kwose. |
3. | Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo. |
4. | Asi kana chirikadzi inavana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. |
5. | Zvino kana iri chirikadzi chaiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati. |
6. | Asi iyo inokarira zvinofadza, yakafa ichiri mhenyu. |
7. | Raira vo zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa. |
8. | Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi. |
9. | Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete, |
10. | inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaifarira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzavatsvene, kana yaibatsira vari munjodzi, kana yaishingairira mabasa ose akanaka. |
11. | Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotsvaka kuwanikwa; |
12. | dzava nemhosva, nokuti dzaramba kutenda kwokutanga; |
13. | vuye zve, dzinodzidza kuva novusimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaiti vo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira. |
14. | Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo. |
15. | Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani. |
16. | Kana murume kana mukadzi mutendi anechirikadzi, ngadzibatsire, kereke irege kuremedzwa kuti igobatsira chirikadzi chaidzo. |
17. | Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa. |
18. | Nokuti Rugwaro runoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; vuye zve: Mubati wakafanirwa nomubairo wake. |
19. | Usangotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana ichibva pamiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. |
20. | Vanotadza uvarange pamberi pavose, kuti vamwe vagotya. |
21. | Ndinokuraira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, navatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingatongi usati wambonzwa kwazvo, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu. |
22. | Usakurumidza kuisa mavoko pamusoro pomunhu, kana kusongana pazvivi zvavamwe; uzvichengete kuti uve wakachena. |
23. | Usaramba uchingonwa mvura bedzi, asi unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako novutera bwako bwuzhinji. |
24. | Zvivi zvavamwe vanhu zvinovonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo vamwe zve vanoteverwa nazvo, |
25. | Saizvozvo vo kunamabasa akanaka anovonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi. |
← 1Timothy (5/6) → |