1Timothy (4/6)  

1. Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa,
2. vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa,
3. vachidzivisa vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva zvokwadi.
4. Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunechinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga;
5. nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
6. Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomoyo wose.
7. Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari.
8. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa chovupenyu bwazvino nobwunovuya.
9. Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo.
10. Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.
11. Raira nokudzidzisa zvinhu izvi:
12. Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku bwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napaMweya napakutenda, napakuchena kwomoyo.
13. Shingaira pakurava, napakuraira, napakudzidzisa, kusvikira ndichivuya.
14. Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nokuporofita, nokuiswa mavoko avakuru.
15. Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomoyo wose, kuti kupfuvurira mberi kwako kuvonekwe navanhu vose.
16. Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa.

  1Timothy (4/6)