← 1Timothy (4/6) → |
1. | Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa, |
2. | vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa, |
3. | vachidzivisa vanhu kuwanana, nokuraira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva zvokwadi. |
4. | Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakunechinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga; |
5. | nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera. |
6. | Kana uchiyevudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomoyo wose. |
7. | Asi urambe ngano dzisine hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. |
8. | Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa chovupenyu bwazvino nobwunovuya. |
9. | Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. |
10. | Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kunaMwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda. |
11. | Raira nokudzidzisa zvinhu izvi: |
12. | Munhu ngaarege kuvapo unozvidza vuduku bwako, asi uitire vanotenda makwara, pashoko napamufambire, naparudo, napaMweya napakutenda, napakuchena kwomoyo. |
13. | Shingaira pakurava, napakuraira, napakudzidzisa, kusvikira ndichivuya. |
14. | Usarega kuchengeta chipiwa chiri mauri, nokuporofita, nokuiswa mavoko avakuru. |
15. | Shingairira zvinhu izvi, uzviite nomoyo wose, kuti kupfuvurira mberi kwako kuvonekwe navanhu vose. |
16. | Uzvichengete iwe nedzidziso yako. Urambire pazvinhu izvi, nokuti kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa. |
← 1Timothy (4/6) → |