| ← 1Timothy (2/6) → |
| 1. | Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe; |
| 2. | madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa. |
| 3. | Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; |
| 4. | uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi. |
| 5. | Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, |
| 6. | wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira, |
| 7. | icho chandakaitirwa muparidzi nomuapostora (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda nezvokwadi. |
| 8. | Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza mavoko matsvene, vasinakutsamwa nenharo. |
| 9. | Saizvozvo vo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji; |
| 10. | asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari. |
| 11. | Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose. |
| 12. | Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare. |
| 13. | Nokuti Adhama wakatanga kuvumbwa, tevere Evha; |
| 14. | naAdhama haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika; |
| 15. | asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora. |
| ← 1Timothy (2/6) → |