1Timothy (1/6)  

1. Pauro, muapostora waShe Kristu Jesu nokuraira kwaMwari, Muponesi wedu, naKristu Jesu, tariro yedu;
2. kunaTimotio, mwana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
3. Sezvandakakumbira zvikuru kwauri, ini ndichienda Makedhonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.
4. kana kurangarira ngano namazita amadzitetegeru asingaperi, zvinongomutsa nharo, zvisingatendisi zvakarairwa naMwari, zviri mukutenda.
5. Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri;
6. vamwe vakarashika pazvinhu izvozvi, vakatsaukira kukutaura kusinamaturo;
7. vachitsvaka kuti vave vadzidzisi vomurairo, vasingazivi zvavanoreva kana zvavanosimbisa.
8. Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiita nawo sezvinoreva murairo,
9. achiziva kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasinehanya nomurairo, navasingatereri, navasingadi Mwari, navatadzi, navasi vatsvene, navasinehanya naMwari, navanorova madzibaba, navanorova madzimai,navanovuraya vanhu;
10. nemhombwe, navanopombora navarume,navanoba vanhu, navanoreva nhema, navanopika nhema, vuye kana chimwe chiri’ko chinopesana nedzidziso yakarurama;
11. sezvinoreva Evhangeri yokubwinya kwaMwari womufaro, yandakapiwa ini.
12. Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake;
13. kunyange ini ndaimhura Mwari kare, nomutambudza ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda;
14. asi nyasha dzaShe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri munaKristu Jesu.
15. Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu wakavuya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo;
16. asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze moyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kunavanozotenda kwaari, zvinovaisa kuvupenyu bwusingaperi.
17. Zvino iye Ishe usingaperi, usingafi, usingavonekwi, Mwari woga, wakachenjera ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
18. Basa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mwana wangu, kuti sezvazvakaprofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri;
19. wakabata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa navamwe, vakarashikirwa nokutenda;
20. vamwe vavo ndiHimenio naAreksandro, vandakaisa kunaSatani, vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.

      1Timothy (1/6)