| ← 1Thessalonians (5/5) |
| 1. | Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu; |
| 2. | nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku. |
| 3. | Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki. |
| 4. | Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. |
| 5. | Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vovusiku, kana verima. |
| 6. | Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinure. |
| 7. | Nokuti vanovata, vanovata vusiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa vusiku. |
| 8. | Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo; nengowani ive tariro yoruponeso. |
| 9. | Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naShe wedu Jesu Kristu, |
| 10. | wakatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwe chete naye. |
| 11. | Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoita. |
| 12. | Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurairai; |
| 13. | muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu. |
| 14. | Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti muraire vasingatereri murairo, musimbise vanopera moyo, mutsigire vasinesimba, muve nomoyo murefu kunavose. |
| 15. | Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kuno mumwe, nokunavose. |
| 16. | Farai nguva dzose. |
| 17. | Rambai muchinyengetera. |
| 18. | Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri munaKristu Jesu. |
| 19. | Musadzima Mweya; |
| 20. | musazvidza zvinoprofitwa; |
| 21. | idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka; |
| 22. | regai marudzi ose ezvakaipa. |
| 23. | Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu. |
| 24. | wakatendeka ndiye unokudanai, uchazviita vo. |
| 25. | Hama dzangu tinyengetererei. |
| 26. | Kwazisai hama dzose nokusveta kutsvene. |
| 27. | Ndinokupikirai naShe, kuti mwadhi iyi iverengerwe hama tsvene dzose. |
| 28. | Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi. |
| ← 1Thessalonians (5/5) |