1Thessalonians (3/5)  

1. Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;
2. tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paEvhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu;
3. kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.
4. Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva.
5. Saka ini vo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.
6. Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, vuye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesu vo tichida kukuvonai imi;
7. saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu;
8. nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe.
9. Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,
10. tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu?
11. Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;
12. ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokunavose, sezvatinoita isu kwamuri,
13. asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose.

  1Thessalonians (3/5)