| ← 1Thessalonians (3/5) → |
| 1. | Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene; |
| 2. | tikatuma Timotio, hama yedu, mushumiri waMwari paEvhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai moyo pakutenda kwenyu; |
| 3. | kuti kurege kuva nomunhu unozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo. |
| 4. | Nokuti tichiri kwamuri takambokuvudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva. |
| 5. | Saka ini vo, zvandakanga ndisichagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muidzi wakakuidzai, izvo zvatakabata zvikava pasina. |
| 6. | Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akativudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, vuye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida zvikuru kutivona isu, sesu vo tichida kukuvonai imi; |
| 7. | saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu; |
| 8. | nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe. |
| 9. | Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu, |
| 10. | tichingokumbira zvikuru vusiku namasikati kuti tivone chiso chenyu, kuti tizadzise zvakataira pakutenda kwenyu? |
| 11. | Zvino iye Mwari, Baba vedu naShe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri; |
| 12. | ishe akukurisei, akuwanzirei rudo pakati penyu nokunavose, sezvatinoita isu kwamuri, |
| 13. | asimbise moyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pavutsvene pamberi paMwari, Baba vedu, pakuvuya kwaShe wedu Jesu pamwe chete navatsvene vake vose. |
| ← 1Thessalonians (3/5) → |