1Thessalonians (1/5)  

1. Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu.
2. Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;
3. tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;
4. tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.
5. Nokuti Evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimba vo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
6. Nemi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;
7. naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8. Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
9. Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wazvokwadi,
10. nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya.

      1Thessalonians (1/5)