| 1Thessalonians (1/5) → | 
| 1. | Pauro, naSivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika, iri munaMwari, Baba, naShe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari baba vedu naShe Jesu Kristu. | 
| 2. | Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; | 
| 3. | tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro munaShe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu; | 
| 4. | tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu. | 
| 5. | Nokuti Evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimba vo, noMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu. | 
| 6. | Nemi makava vateveri vedu navaShe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene; | 
| 7. | naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya. | 
| 8. | Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kunaMwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu. | 
| 9. | Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; vuye, kuti makatendevukira kunaMwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wazvokwadi, | 
| 10. | nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye wakamutswa kuvakafa, ndiye Jesu unotisunungura pakutsamwa kunovuya. | 
| 1Thessalonians (1/5) → |