1Samuel (8/31)  

1. Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri.
2. Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.
3. Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.
4. Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,
5. vakati kwaari, "Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose."
6. Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, "Tipei mambo ungatitonga." Samueri akanyengetera kuna Jehovha.
7. Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.
8. "Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paljipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.
9. Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata."
10. Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.
11. Akati, "Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.
12. Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.
13. "Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.
14. Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.
15. Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.
16. "Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.
17. "Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake.
18. "Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro."
19. Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, "Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,
20. kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu."
21. Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.
22. Zvino Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo." Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, "Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake."

  1Samuel (8/31)