| ← 1Samuel (8/31) → |
| 1. | Zvino Samueri wakati akwegura akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi pakati paIsiraeri. |
| 2. | Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha. |
| 3. | Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga. |
| 4. | Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama, |
| 5. | vakati kwaari, "Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose." |
| 6. | Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, "Tipei mambo ungatitonga." Samueri akanyengetera kuna Jehovha. |
| 7. | Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nokuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo. |
| 8. | "Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paljipiti kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo. |
| 9. | Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata." |
| 10. | Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha. |
| 11. | Akati, "Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake. |
| 12. | Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake. |
| 13. | "Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa. |
| 14. | Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake. |
| 15. | Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake. |
| 16. | "Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo. |
| 17. | "Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemi muchava varanda vake. |
| 18. | "Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro." |
| 19. | Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, "Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata, |
| 20. | kuti isuo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu." |
| 21. | Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha. |
| 22. | Zvino Jehovha akati kuna Samueri, "Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo." Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, "Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake." |
| ← 1Samuel (8/31) → |