1Samuel (5/31)  

1. Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi,
2. VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni.
3. Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake.
4. Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga.
5. Saka vapirisiti vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi.
6. Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo.
7. Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni."
8. Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?" Vakapindura, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati." Vakaisa areka yaMwari ikoko.
9. Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota.
10. Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, "Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu."
11. Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;" nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo.
12. Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga.

  1Samuel (5/31)