← 1Samuel (5/31) → |
1. | Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi, |
2. | VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni. |
3. | Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake. |
4. | Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga. |
5. | Saka vapirisiti vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi. |
6. | Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo. |
7. | Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni." |
8. | Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?" Vakapindura, vakati, "Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati." Vakaisa areka yaMwari ikoko. |
9. | Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota. |
10. | Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, "Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu." |
11. | Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, "Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;" nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo. |
12. | Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga. |
← 1Samuel (5/31) → |