1Samuel (4/31)  

1. Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.
2. VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.
3. Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, "Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu."
4. Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.
5. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.
6. VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, "inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?" Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.
7. VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, "Mwari wasvika kumisasa." Vakati, "Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.
8. Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaIjipiti namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.
9. Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe."
10. Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.
11. Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa.
12. Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.
13. Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti moyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.
14. Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, "inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko?" Murume akakurumidza, akandoudza Eri.
15. Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.
16. Murume akati kuna Eri, "Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo." Akati, "Kwaitweiko, mwana wangu?"
17. Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, "VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa."
18. Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana.
19. Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.
20. Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, "Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo."
21. Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, "Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake."
22. Akati, "Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa."

  1Samuel (4/31)