← 1Samuel (4/31) → |
1. | Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki. |
2. | VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina. |
3. | Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, "Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu." |
4. | Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari. |
5. | Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira. |
6. | VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, "inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?" Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa. |
7. | VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, "Mwari wasvika kumisasa." Vakati, "Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo. |
8. | Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaIjipiti namatambudziko amarudzi mazhinji murenje. |
9. | Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe." |
10. | Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo. |
11. | Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa. |
12. | Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake. |
13. | Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti moyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema. |
14. | Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, "inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko?" Murume akakurumidza, akandoudza Eri. |
15. | Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo. |
16. | Murume akati kuna Eri, "Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo." Akati, "Kwaitweiko, mwana wangu?" |
17. | Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, "VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa." |
18. | Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana. |
19. | Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake. |
20. | Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, "Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo." |
21. | Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, "Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake." |
22. | Akati, "Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa." |
← 1Samuel (4/31) → |