1Samuel (31/31)    

1. Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
2. VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabi, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
3. Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa; vapfuri vouta vakamubata, akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
4. Ipapo Sauro akati kunowaibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandibaye, nokundidadira." Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti wakanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
5. Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakati achiona kuti Sauro wafa, naiye akazviwisira pamunondo wakewo, akafa pamwechete naye.
6. Naizvozvo Sauro akafa, pamwechete navanakomana vake vatatu, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, navanhu vake vose nomusi iwoyo.
7. Zvino vanhu vaIsiraeri, vakanga vari mhiri kwomupata, navakanga vachiona kuti vanhu vaIsiraeri vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vakanga vafawo, vakabva pamaguta, vakatiza; vaFirisitia vakasvika, vakagaramo.
8. Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzokusunungura vakaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vafa pagomo reGiribhoa.
9. Vakagura musoro wake, nokusunungura nhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa mashoko iwayo kuimba yezvifananidzo zvavo, nokuvanhu.
10. Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yaAshitaroti, vakasungira chitunha chake pamadziro eBhetishani.
11. Zvino vakanga vagere JabheshiGiriyadhi vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
12. mhare dzose dzikasimuka, dzikafamba usiku hwose, dzikatora chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake pamadziro eBhetishani, vakaenda Jabheshi vakazvipisapo.
13. Vakatora mapfupa avo, vakaaviga pasi pomuti womutamarisiki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.

  1Samuel (31/31)