1Samuel (30/31)  

1. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paZikiragi nezuva retatu, vakawana kuti vaAmareki vakanga vandopambara kurutivi rwezasi, neZikiragiwo, vakakunda Zikiragi nokuripisa nomoto;
2. vakatapa vakadzi navose vakanga varimo, vaduku navakuru; vakanga vasina kuuraya munhu, asi vakavatapa, vakaenda havo.
3. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakati vachisvika paguta vakariwana rapiswa nomoto, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo vatapwa.
4. Dhavhidhi navanhu vakanga vanaye vakachema kwazvo, kusvikira vasisina simba rokuchema.
5. Navakadzi vaviri vaDhavhidhi vakanga vatapwawo, vanaAhinoamu muJezereeri naAbhigairi waiva mukadzi waNabhari muKarimeri.
6. Dhavhidhi akatambudzika zvikuru, nokuti vanhu vakanga voda kumutaka namabwe, nokuti moyo yavanhu vose yakanga ine shungu, mumwe nomumwe pamusoro pavanakomana vake, navanasikana vake; asi Dhavhidhi wakatsvaka simba rake kuna Jehovha Mwari wake.
7. Zvino Dhavhidhi akati kuna Abhiatari mupirisiti, mwanakomana waAhimereki, "Douya hako pano neefodhi." Abhiatari akaenda neefodhi kuna Dhavhidhi.
8. Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Kana ndikatevera boka iro, ndingavabata here?" Akamupindura akati, "Tevera hako, nokuti uchavabata kwazvo, uye ucharwira zvose."
9. Naizvozvo Dhavhidhi akaenda, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, vakasvika parukova Bhesori, pakasara vamwe vaakasiya.
10. Asi Dhavhidhi wakateverera, iye navanhu vana mazana mana, nokuti vana mazana maviri vakanga vasara shure, nokuti vakanga vaneta kwazvo, vasingagoni kuyambuka rukova Bhesori.
11. Vakawana muIjipiti kusango, vakauya naye kuna Dhavhidhi, vakamupa zvokudya, akadya, vakamupawo mvura yokunwa;
12. vakamupawo chimedu chebundu ramawonde namasumbu maviri amazambiringa akawomeswa; zvino wakati adya, mweya wake ukararamazve mukati make, nokuti wakanga asina kudya zvokudya, kana kunwa mvura, mazuva matatu nousiku hutatu.
13. Dhavhidhi akati kwaari, "Uri waaniko? Unobvepiko?" Iye akati, "Ndiri jaya rakabva Ijipiti, muranda womunhu wavaAmareki; tenzi wangu wakandisiya, nokuti mazuva matatu akapfuura ndakarwara.
14. Takanga tandopambara kurutivi rwezasi rwavaKereti, nokunyika yaJudha, nokurutivi rwezasi rwaKarebhi, tikapisawo Zikiragi nomoto."
15. Dhavhidhi akati kwaari, "Ungandiburutsira kuboka iro here?" Iye akati, "Ndipikirei naMwari kuti hamungandiurayi, kana kundiisa mumaoko atenzi wangu. Ipapo ndingakuburusirai kuboka iro."
16. Zvino wakati amuburusirako vakavawana vakapararira pasi pose, vachidya nokunwa, nokutamba pakati pezvizhinji zvavakanga vapamba, zvavakanga vatora kunyika yavaFirisitia nokunyika yavaJudha.
17. Dhavhidhi akarwa navo kubva parubvunzavaeni kusvikira madeko ezuva repiri; kwakanga kusina munhu wakapukunyuka, asi majaya ana mazana mana, akanga akatasva makamera, ndiwo akatiza.
18. Dhavidhi akarwira zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki; Dhavhidhi akarwirawo vakadzi vake vaviri.
19. Vakanga vasina kurashikirwa nechinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kana vanakomana, kana vanasikana, kana nhumbi;kana chinhu chipi nechipi chavakanga vatora; Dhavhidhi wakazvidzosa zvose.
20. Dhavhidhi akatorawo makwai nemombe dzose, vakazvitinha pamberi pezvimwe zvipfuwo, vakati, "Ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi."
21. Zvino Dhavhidhi akasvika kuvarume vana mazana maviri, vaya vakanga vasingagoni kutevera Dhavhidhi nokuneta kwavo, vavakanga vasiya kurukova Besori; ivo vakandosangana naDhavhidhi, nokusanganawo navanhu vakanga vanaye; zvino Dhavhidhi wakati aswedera kwavari, akavakwazisa.
22. Ipapo vanhu vose vakashata, navanhu vakaisvoipa, vakanga vaenda naDhavhidhi, vakapindura vakati, "Zvavasina kuenda nesu, hatingavapi chinhu chimwe chezvakapambwa zvatakandorwira, asi mumwe nomumwe ngaapiwe mukadzi wake navana vake, vavaperekedze, vaende navo."
23. Ipapo Dhavhidhi akati, "Hamungaiti kudaro, hama dzangu, nezvatakapiwa naJehovha, iye wakatichengeta, akaisa boka rakanga rauya kuzorwa nesu pamaoko edu.
24. Ndianiko ungakuteererai pashoko rakadai? Nokuti mugove wowakaenda kundorwa, uchafanana nomugove wowakasara panhumbi; migove yavo inofanira kufanana."
25. Zvino kubva pazuva iro iye akatema kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsiraeri kusvikira zuva ranhasi.
26. Zvino Dhavhidhi wakati asvika Zikiragi, akatuma zvimwe zvakanga zvapambwa kuvakuru vavaJudha, idzo hama dzake akati, "Hecho chipo chenyu chezvakapambwa kuvavengi vaJehovha;
27. kuna vakanga vari Bhetieri, nokuna vakanga vari Ramoti kurutivi rwezasi, nokuna vakanga vari Jatiri,
28. nokuna vakanga vari Aroeri, nokuna vakanga vari Sifimoti, nokuna vakanga vari Eshitemoa;
29. nokuna vakanga vari Rakari, nokuna vakanga vari kumaguta avaJerameeri, nokuna vakanga vari pamaguta avaKeni,
30. nokuna vakanga vari Horima, nokuna vakanga vari Korashani, nokuna vakanga vari Ataki,
31. nokuna vakanga vari Hebhuroni, nokuna vose vakanga vari panzvimbo dzaifamba Dhavhidhi amene navanhu vake."

  1Samuel (30/31)