| ← 1Samuel (3/31) → | 
| 1. | Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena. | 
| 2. | Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,) | 
| 3. | mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari; | 
| 4. | Jehovha akadana Samueri. Iye akati, "Ndiripano hangu." | 
| 5. | Akamhanyira kuna Eri, akati, "Ndiripano hangu, nokuti mandidana." Eri akati, "Handina kukudana, chivata hakozve." Iye akandovatazve. | 
| 6. | Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, "Samueri!" Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, "Ndiripano hangu, nokuti mandidana." Akapindura akati, "Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve." | 
| 7. | Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. | 
| 8. | Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, "Ndiri pano hangu, nokuti mandidana." Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. | 
| 9. | Saka Eri akati kuna Samueri, "Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, `Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.' " Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. | 
| 10. | Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, "Samueri, Samueri!" Samueri akati, "Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa." | 
| 11. | Jehovha akati kuna Samueri, "Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga. | 
| 12. | Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira. | 
| 13. | Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa. | 
| 14. | "Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi." | 
| 15. | Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa. | 
| 16. | Zvino Eri akadana Samueri, akati "Samueri, mwana wangu." Iye akati, "Ndiripano hangu." | 
| 17. | Akati, "Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza." | 
| 18. | Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, "NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda. " | 
| 19. | Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi. | 
| 20. | VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha. | 
| 21. | Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha. | 
| ← 1Samuel (3/31) → |