1Samuel (28/31)  

1. Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, "Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako."
2. Dhavhidhi akati kuna Akishi, "Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita." Akishi akati kuna Dhavhidhi, "Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi."
3. Samueri zvino wakanga afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
4. Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
5. Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, moyo wake ukadedera kwazvo.
6. Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana nendimi, kana navaporofita.
7. Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, "Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye." Varanda vake vakati kwaari, "Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori."
8. Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguvo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, "Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza."
9. Mukadzi akati kwaari, "Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?"
10. Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, "NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi."
11. Zvino mukadzi akati, "Ndokukwidzira aniko?" Akati, "Ndikwidzire Samueri."
12. Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, "Mandinyengerereiko? Nokuti ndimi Sauro?"
13. Mambo akati kwaari, "Usatya hako, asi unowoneiko?" Mukadzi akati kuna Sauro, "Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika."
14. Akati kwaari, "Wakadiniko?" Akati, "Kunomutana unokwira, akafuka nguvo." Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
15. Samueri akati kuna Sauro, "Wanditambudzireiko uchindikwidza?" Sauro akapindura akati, "Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita."
16. Samueri akati, "Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
17. Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
18. Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
19. Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia."
20. Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
21. Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, "Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
22. Naizvozvo zvino, chiteereraiwo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu."
23. Asi iye wakaramba, akati, "Handidi hangu kudya." Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
24. Zvino mukadzi wakanga ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
25. akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.

  1Samuel (28/31)