1Samuel (27/31)  

1. Zvino Dhavhidhi akati mumoyo make, "Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora moyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake."
2. Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati.
3. Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinoamu muJezereeri, naAbhigairi muKarimeri, waiva mukadzi waNabhari.
4. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve.
5. Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, "Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?"
6. Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi.
7. Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina.
8. Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuri kusvikira panyika yeIjipiti.
9. Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguvo; akadzoka, akasvika kuna Akishi.
10. Akishi akati, "Mandopambara kupiko nhasi?" Dhavhidhi akati, "Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni."
11. Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, "Ngavarege kutiudzisira, vachiti, `Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.' "
12. Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, "Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi."

  1Samuel (27/31)