1Samuel (26/31)  

1. Zvino vaZifi vakauya kuna Sauro paGibhiya, vakati, "Ko Dhavhidhi haazikunovanda pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje here?"
2. Ipapo Sauro akasimuka, akaburukira kurenje reZifi, ana varume vane zviuru zvitatu, vakanga vakatsaurwa kuvaIsiraeri, kuti atsvake Dhavhidhi murenje reZifi.
3. Sauro akavaka misasa yake pachikomo cheHakira, chiri pamberi perenje, kurutivi rwenzira. Asi Dhavhidhi wakanga agere murenje, akaona Sauro achimutevera murenje.
4. Zvino Dhavhidhi akatuma vashori, akanzwa kuti Sauro wasvika zvirokwazvo.
5. Dhavhidhi akasimuka, akasvika pakanga pakavaka Sauro misasa yake, Dhavhidhi akaona pakanga pavete Sauro, ana Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yake; Sauro wakanga avete pakati pengoro dzakanga dzakarongedzwa, asi vanhu vakanga vavaka misasa yavo vakamupoteredza.
6. Zvino Dhavhidhi akapindura, akati kuna Ahimereki muHiti, nokuna Abhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, akati, "Ndianiko uchaburuka neni kuna Sauro kumisasa?" Abhishai akati, "Ini ndichaburuka nemi."
7. Naizvozvo Dhavhidhi naAbhishai vakasvika kuvanhu usiku, vakawana Sauro avete pakati pengoro dzakanga dzarongedzwa, pfumo rake rakabayirwa pasi kumusoro kwake; Abhineri navamwe vanhu vakanga vavete vakamupoteredza.
8. Zvino Abhishai akati kuna Dhavhidhi, "Nhasi Mwari wakaisa muvengi wako pamaoko ako; naizvozvo nditendere ndimubayire pasi nepfumo kamwe chete, handingamubayi rwechipiri."
9. Dhavhidhi akati kuna Abhishai, "Usamuuraya, nokuti ndianiko ungagona kutambanudzira ruoko rwake kumuzodzwa waJehovha, akasava nemhosva?"
10. Dhavhidhi akati, "NaJehovha mupenyu, Jehovha ndiye uchamuuraya, zvimwe zuva rake rokufa, richasvika zvimwe uchaburukira kundorwa akaparadzwapo.
11. Jehovha ngaandidzivise, ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha; asi zvino tora hako pfumo riri kumusoro kwake, nechirongo chemvura, tiende."
12. Naizvozvo Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura, zvakanga zviri pamusoro waSauro, vakaenda; hakuna munhu wakazviona, kana kuzviziva, hakuna wakapepuka, nokuti vakanga vavete vose, nokuti vakanga vakabatwa nehope kwazvo, dzakanga dzatumwa naMwari.
13. Zvino Dhavhidhi akayambukira mhiri, akamira pamusoro pegomo ari kure; asi pakati pavo pakanga pane nhambo huru.
14. Dhavhidhi akashevedzera kuvanhu nokuna Abhineri mwanakomana waNeri, akati, "Nhai Abhineri, haudaviri here?" Ipapo Abhineri akadavira, akati, "Ndiwe aniko unoshevedzera kuna mambo."
15. Dhavhidhi akati kuna Abhineri, "Ko iwe hauzi murume wemhare here? Ndianiko wakafanana newe kuvaIsiraeri? Wakaregereiko kurinda ishe wako mambo? Nokuti mumwe munhu wakanga apinda kuzoparadza mambo, ishe wako.
16. "Ichi chinhu chawaita hachina kunaka. NaJehovha mupenyu, maifanira kufa, nokuti hamuna kurinda ishe wenyu, muzodzwa waJehovha. Zvino chitarira, pfumo ramambo nechirongo chemvura chakanga chiri kumusoro kwake zviripiko?"
17. Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi, akati, "Ndiro inzwi rako here, mwanangu Dhavhidhi?" Dhavhidhi akati, "inzwi rangu, ishe wangu, mambo."
18. Akati, "Ko Ishe wangu unoteverereiko muranda wake? Nokuti ndakaiteiko? Zvakaipa zviri mandiri ndezveiko?
19. Naizvozvo zvino ishe wangu mambo chidonzwai mashoko omuranda wenyu. Kana ari Jehovha wakakukurudzirai kurwa neni, ngaapiwe chipiriso; asi kana vari vana vavanhu, ngavave vakatukwa pamberi paJehovha, nokuti vakandidzinga nhasi, kuti ndirege kugara panhaka yaJehovha, vachiti, `Enda, undoshumira vamwe vamwari.'
20. Naizvozvo zvino ropa rangu ngarirege kuwira pasi kure naJehovha, nokuti mambo waIsiraeri wabuda kuzotsvaka rutata rumwe, somunhu unovhima hwari mumakomo."
21. Ipapo Sauro akati, "Ndatadza, dzoka hako, mwanangu Dhavhidhi, nokuti handichazokuitiri zvakaipa, nokuti upenyu hwangu hwakanga huchikosha pameso pako nhasi; tarira, ndaita sebenzi, ndatadza kwazvo."
22. Ipapo Dhavhidhi akapindura akati, "Tarirai pfumo ramambo! Mumwe wamajaya ngaayambukire kuno aritore.
23. Jehovha unoripira munhu mumwe nomumwe kururama kwake nokutendeka kwake; nokuti Jehovha wakakuisai nhasi kwandiri, asi ndakaramba kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodzwa waJehovha.
24. Zvino tarirai, upenyu hwenyu sezvandakahukudza nhasi, saizvozvowo hupenyu hwangu ngahukudzwe naJehovha, iye andirwire pakutambudzika kwangu kwose."
25. Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Wakaropafadzwa iwe mwanangu Dhavhidhi; uchava nesimba, uye uchakunda kwazvo." Naizvozvo Dhavhidhi akaenda hake, naSauro akadzokera kumusha kwake.

  1Samuel (26/31)