1Samuel (25/31)  

1. Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani.
2. Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri.
3. Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano moyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
4. Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake.
5. Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, "Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu.
6. Mugoti kuna iye agere pakati pefuma yake, `Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
7. Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri.
8. Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.' "
9. Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo.
10. Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, "Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo.
11. Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?"
12. Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose.
13. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, "Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;" mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
14. Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, "Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
15. Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango.
16. Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai.
17. "Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye."
18. Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
19. Akati kumajaya ake, "Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai." Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
20. Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo.
21. Zvino Dhavhidhi wakanga ati, "Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
22. Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana."
23. Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi.
24. Akawira patsoka dzake, akati, "Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
25. Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nokuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
26. Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
27. Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
28. Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu, nokuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose.
29. Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu, asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe.
30. Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri,
31. murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nokuti makateura ropa risine mhosva, kana nokuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu."
32. Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni;
33. nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.
34. Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana kwoedza nomwana mumwe womukomana."
35. Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, "Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi."
36. Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakanga wakafanana nomutambo wamambo ; moyo waNabhari wakanga wakafara mukati make, nokuti wakanga abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana kwoedza.
37. Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.
38. Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa.
39. Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, "Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake." Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
40. Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, "Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake."
41. Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, "Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu."
42. Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.
43. Dhavhidhi akawanawo Ahinoamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake.
44. Zvino Sauro wakanga akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.

  1Samuel (25/31)