| ← 1Samuel (24/31) → |
| 1. | Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, "Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi." |
| 2. | Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu. |
| 3. | Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako. |
| 4. | Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, "Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, `Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.' " Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi. |
| 5. | Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguvo yaSauro. |
| 6. | Akati kuvanhu vake, "Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha." |
| 7. | Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake. |
| 8. | NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, "Ishe wangu, mambo!" Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama. |
| 9. | Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, `Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?' |
| 10. | Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, `Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha. |
| 11. | Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu. |
| 12. | "Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi. |
| 13. | "Sezvinoreva tsumo yavekare, `Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.' |
| 14. | Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo. |
| 15. | Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu." |
| 16. | Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, "inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi?" Sauro akachema kwazvo. |
| 17. | Akati kuna Dhavhidhi, "Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa. |
| 18. | Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nokuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako. |
| 19. | Nokuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi. |
| 20. | Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako. |
| 21. | "Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu." |
| 22. | Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo. |
| ← 1Samuel (24/31) → |