| ← 1Samuel (23/31) → | 
| 1. | Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, "Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro." | 
| 2. | Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, "Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, "Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira." | 
| 3. | Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, "Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia." | 
| 4. | Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, "Simuka, uburukire Keira, nokuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako." | 
| 5. | Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira. | 
| 6. | Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake. | 
| 7. | Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, "Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuo ezvipfigiso." | 
| 8. | Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake. | 
| 9. | Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupirisiti, "Uya pano neefodhi." | 
| 10. | Zvino Dhavhidhi akati, "Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu. | 
| 11. | Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu." Jehovha akati, "Uchaburuka." | 
| 12. | Dhavhidhi akati, "Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here?" Jehovha akati, "Vachakuisa." | 
| 13. | Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako. | 
| 14. | Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake. | 
| 15. | Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakanga abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo. | 
| 16. | Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari. | 
| 17. | Akati kwaari, "Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva." | 
| 18. | Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake. | 
| 19. | Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhiya vakati, "Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?" | 
| 20. | Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda moyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo. | 
| 21. | Ipapo Sauro akati, "Imi muropafadzwe naJehovha, nokuti makandinzwira tsitsi. | 
| 22. | Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nokuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo. | 
| 23. | Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha. | 
| 24. | Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje." | 
| 25. | Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni. | 
| 26. | Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nokuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate. | 
| 27. | Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, "Kurumidzai, muuye, nokuti vaFirisitia vopambara nyika." | 
| 28. | Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti. | 
| 29. | Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi. | 
| ← 1Samuel (23/31) → |