1Samuel (21/31)  

1. Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupirisiti; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, "Uri woga neiko, usino mumwe newe?"
2. Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupirisiti, "Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, `Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.' Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo.
3. Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo."
4. mupirisiti akapindura Dhavhidhi, akati, "Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi."
5. Dhavhidhi akapindura mupirisiti, akati kwaari, "Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene."
6. Naizvozvo mupirisiti akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho.
7. Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro.
8. Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, "Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa."
9. mupirisiti akati, "Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo." Dhavhidhi akati, "Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo."
10. Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati.
11. Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, "Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,`Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake,
12. Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati.
13. Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake.
14. Zvino Akishi akati kuvaranda vake, "Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri?
15. Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?"

  1Samuel (21/31)