| ← 1Samuel (21/31) → | 
| 1. | Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki mupirisiti; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, "Uri woga neiko, usino mumwe newe?" | 
| 2. | Dhavhidhi akati kuna Ahimereki mupirisiti, "Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, `Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.' Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo. | 
| 3. | Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo." | 
| 4. | mupirisiti akapindura Dhavhidhi, akati, "Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; kwoga kana majaya akazvidzora kuvakadzi." | 
| 5. | Dhavhidhi akapindura mupirisiti, akati kwaari, "Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene." | 
| 6. | Naizvozvo mupirisiti akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho. | 
| 7. | Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro. | 
| 8. | Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, "Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa." | 
| 9. | mupirisiti akati, "Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo." Dhavhidhi akati, "Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo." | 
| 10. | Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati. | 
| 11. | Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, "Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,`Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, | 
| 12. | Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati. | 
| 13. | Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake. | 
| 14. | Zvino Akishi akati kuvaranda vake, "Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri? | 
| 15. | Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?" | 
| ← 1Samuel (21/31) → |