1Samuel (20/31)  

1. Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, "Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?"
2. Iye akati kwaari, "Haisva, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo."
3. Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, "Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, `Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo;' asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu."
4. Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Zvose zvinodikanwa nomoyo wako, ndichakuitira izvozvo."
5. Dhavhidhi akati kuna Jonatani, "Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu.
6. Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, `Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.'
7. "Kana vakati, `Zvakanaka hazvo!' Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa.
8. Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nokuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nokuti uchandiisireiko kuna baba vako?"
9. Jonatani akati, "Usadaro, nokuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?"
10. Dhavhidhi akati kuna Jonatani, "Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?"
11. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Hendei kusango." Ivo vakaenda vari vaviri kusango.
12. Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here?
13. "Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
14. Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa,
15. uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose."
16. Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, "Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi
17. Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nokuti wakanga achimuda sezvaakada moyo wake.
18. Zvino Jonatani akati kwaari, "Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichashaiwa munhu.
19. Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
20. Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa.
21. Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, `Enda undotsvaka miseve.' Kana ndikati kumukomana, `Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,' ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
22. Asi kana ndikati kumukomana, `Tarira, miseve iri mberi kwako,' ipapo uende hako, nokuti Jehovha wakuendisa.
23. Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi. "
24. Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye.
25. Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro, Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu.
26. Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nokuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka.
27. Zvino pazuva rakatevera kugara kwomwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, "Mwanakomana waJese wakaregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?"
28. Jonatani akapindura Sauro akati, "Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu,
29. akati, `Nditenderewo ndiende, nokuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu.' Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo."
30. Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, "Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo?
31. "Nokuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa."
32. Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, "Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?"
33. Ipapo Sauro akaposha pfumo .rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi.
34. Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nokuti wakanga ane shungu pamoyo pamusoro paDhavhidhi, nokuti wakanga anyadzwa nababa vake.
35. Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku.
36. Akati kumukomana wake, "Mhanya utsvake miseve yandinoposha." Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake.
37. Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, "Ko museve hauzi mberi kwako here?"
38. Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, "Kasira, kurumidza, usamira." Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake.
39. Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro.
40. Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, "Enda nadzo undodziisa kuguta."
41. Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
42. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, `Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.' " Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.

  1Samuel (20/31)