| ← 1Samuel (19/31) → |
| 1. | Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi. |
| 2. | Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, "Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande; |
| 3. | ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza." |
| 4. | Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, "Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo; |
| 5. | nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?" |
| 6. | Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, "NaJehovha mupenyu, haangaurawi!" |
| 7. | Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. |
| 8. | Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake. |
| 9. | Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake. |
| 10. | Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo. |
| 11. | Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, "Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana." |
| 12. | Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka. |
| 13. | Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. |
| 14. | Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, "Unorwara." |
| 15. | Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, "Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye." |
| 16. | Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. |
| 17. | Sauro akati kuna Mikari, "Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka?" Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, "Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?" |
| 18. | Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti. |
| 19. | Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama." |
| 20. | Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo. |
| 21. | Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo. |
| 22. | Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, "VanaSamueri naDhavhidhi varipiko?" Mumwe akati, "Tarirai, vari Naioti paRama." |
| 23. | Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama. |
| 24. | Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, "Sauro uri pakati pavaporofitawo here?" |
| ← 1Samuel (19/31) → |