| ← 1Samuel (18/31) → |
| 1. | Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake. |
| 2. | Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake. |
| 3. | Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida moyo wake. |
| 4. | Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake. |
| 5. | Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo. |
| 6. | Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza. |
| 7. | Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, "Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake." |
| 8. | Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, "Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?" |
| 9. | Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi. |
| 10. | Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake. |
| 11. | Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, "Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro." Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake. |
| 12. | Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro. |
| 13. | Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu. |
| 14. | Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye. |
| 15. | Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo. |
| 16. | Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo. |
| 17. | Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha." Nokuti Sauro wakati, "Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye." |
| 18. | Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?" |
| 19. | Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake. |
| 20. | Zvino Mikari mukunda waSauro, wakanga achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo. |
| 21. | Ipapo Sauro akati, "Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye." Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri. |
| 22. | ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, "Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, `Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda;' naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo." |
| 23. | Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, "Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?" |
| 24. | Varanda vaSauro vakamuudza vakati, "Dhavhidhi wataura mashoko okuti. |
| 25. | Sauro akati, `Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake.' " Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia. |
| 26. | Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera, |
| 27. | Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake. |
| 28. | Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda. |
| 29. | Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi. |
| 30. | Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo. |
| ← 1Samuel (18/31) → |