1Samuel (17/31)  

1. Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi.
2. Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia.
3. VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo.
4. Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe.
5. Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguvo dzokurwa dzamabape endarira, nguvo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo.
6. Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
7. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake.
8. Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, "Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
9. Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira."
10. MuFirisitia akati, "Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri, ndipei munhu, tirwe."
11. Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
12. Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
13. Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
14. Dhavhidhi wakanga ari muduku kuna vose; vaiva vatatu vakanga vaenda naSauro.
15. Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu.
16. MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
17. Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, "Chindopa vakuru vako efa imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako;
18. asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuvonerapo."
19. Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
20. Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa.
21. VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzidzira kurwa, hondo dzakatarisana.
22. Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake.
23. Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa.
24. Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo.
25. Varume vaIsiraeri vakati, "Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri."
26. Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, "Munhu,• unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?"
27. Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, "Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti."
28. Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, "Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa kwomoyo wako, nokuti waburuka kuzoona hondo."
29. Dhavhidhi akati, "Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?"
30. Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
31. Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana.
32. Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Ngakurege kuva nomunhu unopera moyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo."
33. Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake."
34. Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka,
35. ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya."
36. Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
37. Dhavhidhi akati, "Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu." Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Enda hako, Jehovha uchava newe."
38. Sauro akafukidza Dhavhidhi nguvo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguvo dzokurwa dzamabape endarira.
39. Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza." Dhavhidhi akadzibvisa.
40. Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
41. MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira.
42. Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka.
43. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, "Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?" MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake.
44. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, "Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako."
45. Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, "Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
46. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri."
47. Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
48. Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia.
49. Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
50. Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
51. Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
52. Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
53. Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
54. Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguvo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
55. Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, "Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko?" Abhineri akati, "Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi."
56. Mambo akati, "Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko."
57. Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake.
58. Sauro akati kwaari, "Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya?" Dhavhidhi akapindura, akati, "Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu."

  1Samuel (17/31)