| ← 1Samuel (15/31) → |
| 1. | Zvino Samueri akati kuna Sauro, "Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha. |
| 2. | Zvanzi naJehovha wehondo, `Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti vakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti. |
| 3. | Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.' " |
| 4. | Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi. |
| 5. | Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata. |
| 6. | Sauro akati kuvaKeni, "Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti." Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki. |
| 7. | Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti. |
| 8. | Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza. |
| 9. | Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisina kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose. |
| 10. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati, |
| 11. | "Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira." Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose. |
| 12. | Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, "Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari." |
| 13. | Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, "Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha." |
| 14. | Samueri akati, "Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?" |
| 15. | Sauro akati, "Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose." |
| 16. | Ipapo Samueri akati kuna Sauro, "Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.' |
| 17. | Samueri akati, `Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri; |
| 18. | Jehovha akakutuma parwendo,' akati, `Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.' |
| 19. | "Zvino wakaregereiko kuteerera inzwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?" |
| 20. | Sauro akati kuna Samueri, "Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose. |
| 21. | "Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, makwai nenzombe nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari." |
| 22. | Samueri akati, "Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. |
| 23. | Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo." |
| 24. | Ipapo Sauro akati kuna Samueri "Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo. |
| 25. | Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha." |
| 26. | Samueri akati kuna Sauro, "Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri." |
| 27. | Zvino Samueri wakati achitendeuka, achido-kubva, Sauro akabata mupendero wenguvo yake, iyo ikabvaruka. |
| 28. | Samueri akati kwaari, "Jehovha wakabvarura ushe hwaIsiraeri kwauri nhasi, akahupa mumwe wokwako unokukunda nokunaka. |
| 29. | Uyewo Mutendiwa waIsiraeri haangarevi nhema, kana kuzvidemba; nokuti haazi munhu ungazvidemba." |
| 30. | Ipapo iye akati, "Ndakatadza hangu, asi ndikudzei henyu pamberi pavakuru vangu, napamberi paIsiraeri, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha Mwari wenyu." |
| 31. | Naizvozvo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kuna Jehovha. |
| 32. | Zvino Samueri akati, "Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki." Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, "Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura." |
| 33. | Samueri akati, "Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi." Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari. |
| 34. | Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhiya kwaSauro. |
| 35. | Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo akazvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri. |
| ← 1Samuel (15/31) → |