1Samuel (15/31)  

1. Zvino Samueri akati kuna Sauro, "Jehovha wakandituma kuti ndikuzodze, uve mambo wavanhu vake ivo vaIsiraeri; naizvozvo zvino chinzwa mashoko aJehovha.
2. Zvanzi naJehovha wehondo, `Ndakacherekedza zvakaitirwa Isiraeri navaAmareki, kuti vakavadzivirira panzira nguva yokubva kwavo Ijipiti.
3. Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.' "
4. Sauro akadana vanhu, akavaverenga paTeraimi, vakasvika zviuru zvina mazana maviri zvavaifamba namakumbo, navarume vavaJudha vane zviuru zvine gumi.
5. Sauro akasvika paguta ravaAmareki, akavavandira pamupata.
6. Sauro akati kuvaKeni, "Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti." Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
7. Ipapo Sauro akaparadza vaAmareki, kubva paHavira kusvikira paShuri, pakatarisana neIjipiti.
8. Akabata Agagi, mambo wavaAmareki achiri mupenyu, akaparadza vanhu vose chose neminondo inopinza.
9. Asi Sauro navanhu vakarega Agagi, namakwai akaisvonaka, nedzimwe mombe, nezvimwe zvakakora, namakwayana, nezvose zvakanga zvakanaka, vakaramba kuzviparadza chose; asi zvose zvavakazvidza, zvakanga zvisina kunaka, ndizvo zvavakaparadza chose.
10. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri, rikati,
11. "Ndinozvidemba zvandakagadza Sauro ave mambo, nokuti wadzoka, haachanditeveri, haana kuita sezvandakamuraira." Samueri akava neshungu, akachema kuna Jehovha usiku hwose.
12. Zvino Samueri akamuka mangwanani kundosangana naSauro. Samueri akaudzwa, zvichinzi, "Sauro wakasvika Karimeri, akazvimisira shongwe, zvino watsauka, wapfuura, waburukira Girigari."
13. Samueri akasvika kuna Sauro, Sauro akati kwaari, "Jehovha ngaakuropafadze; ndaita sezvandakarairirwa naJehovha."
14. Samueri akati, "Ko kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu nokukuma kwemombe kwandinonzwa kunoti kudiniko?"
15. Sauro akati, "Vabva nazvo kuvaAmareki, nokuti vanhu havana kuuraya makwai akaisvonaka nenzombe, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu; asi zvimwe zvose takazviparadza chose."
16. Ipapo Samueri akati kuna Sauro, "Nyarara, ndikuzivise zvandakaudzwa naJehovha usiku uhwu. Akati kwaari, ‘Taurai henyu.'
17. Samueri akati, `Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;
18. Jehovha akakutuma parwendo,' akati, `Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.'
19. "Zvino wakaregereiko kuteerera inzwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?"
20. Sauro akati kuna Samueri, "Zvirokwazvo ndakateerera inzwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose.
21. "Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, makwai nenzombe nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari."
22. Samueri akati, "Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.
23. Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo."
24. Ipapo Sauro akati kuna Samueri "Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.
25. Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha."
26. Samueri akati kuna Sauro, "Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri."
27. Zvino Samueri wakati achitendeuka, achido-kubva, Sauro akabata mupendero wenguvo yake, iyo ikabvaruka.
28. Samueri akati kwaari, "Jehovha wakabvarura ushe hwaIsiraeri kwauri nhasi, akahupa mumwe wokwako unokukunda nokunaka.
29. Uyewo Mutendiwa waIsiraeri haangarevi nhema, kana kuzvidemba; nokuti haazi munhu ungazvidemba."
30. Ipapo iye akati, "Ndakatadza hangu, asi ndikudzei henyu pamberi pavakuru vangu, napamberi paIsiraeri, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha Mwari wenyu."
31. Naizvozvo Samueri akadzoka, akaenda naSauro, Sauro akanamata kuna Jehovha.
32. Zvino Samueri akati, "Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki." Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, "Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura."
33. Samueri akati, "Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi." Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
34. Zvino Samueri akaenda Rama, naSaurowo akakwira kumba kwake paGibhiya kwaSauro.
35. Samueri akasazouyazve kuona Sauro kusvikira pazuva rokufa kwake; asi Samueri wakachema Sauro, naJehovhawo akazvidemba nokuti wakanga aita Sauro mambo waIsiraeri.

  1Samuel (15/31)