1Samuel (14/31)  

1. zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko." Asi haana kuudza baba vake.
2. Sauro wakanga agere pamugumo weGibhiya, pasi pomutamba wakanga uri paMigironi; wakanga ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
3. Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakanga ari mupirisiti waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
4. Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rumwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene.
5. Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
6. Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma."
7. Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, "Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo."
8. Ipapo Jonatani akati, "Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari.
9. Kana vakati kwatiri, `Mirai kusvikira tasvika kwamuri,' ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
10. "Asi kana vakati, `Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nokuti Mwari wavaisa mumaoko edu;' ndicho chichava chiratidzo kwatiri."
11. Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, "Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda."
12. Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, "Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu." Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri."
13. Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya.
14. Zvino pakuuraya uku kwokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
15. Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda, nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru.
16. Zvino nharirire dzaSauro paGibhiya kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
17. Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, "Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri." Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo.
18. Sauro akati kuna Ahija, "Uya pano neareka yaMwari." Nokuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pavana vaIsiraeri nenguva iyo.
19. Zvino Sauro wakati achataurirana nomupirisiti, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupirisiti, "Dzosa ruoko rwako."
20. Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru.
21. NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira valsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani.
22. Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuyenlu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo.
23. Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
24. Zvino varume vaIsiraeri vakaziya nomusi uyo, asi Sauro wakapikira vanhu, akati, "Ani nani unodya zvokudya kusvikira madekwana, kusvikira ndatsivira vavengi vangu, ngaatukwe." Naizvozvo hakuna munhu wakaravira zvokudya.
25. Zvino vanhu vose vakasvika padondo, vakawana uchi huripo pasi.
26. Vanhu vakati vasvika padondo, vakawana uchi hoyerera pasi, asi hakuna munhu wakaisa ruoko rwake kumuromo wake, nokuti vanhu vakatya kupika kwaSauro.
27. Asi Jonatani wakanga asina kunzwa baba vake vachiraira vanhu nokupika kwavo; naizvozvo akatambanudza muromo wetsvimbo yake, yakanga iri muruoko rwake, akainyika muzinga rouchi, akaisa ruoko rwake kumuromo wake, meso ake akasvinudzwa.
28. Ipapo mumwe wavanhu akapindura, akati, "Baba vako vakaraira vanhu kwazvo nokupika vachiti, `Ani nani unodya zvokudya nhasi ngaatukwe.' " Asi vanhu vakanga vaziya.
29. Zvino Jonatani akati, "Baba vangu vanetsa nyika. Chionai henyu, meso angu asvinudzwa seiko, nokuti ndaravira uchi uhwu;
30. ndoda kana vanhu vakanga vatenderwa kudya zvavakanga vapamba kuvavengi vavo! Asi zvino havana kuuraya vaFirisitia vazhinji."
31. Nomusi uyo vakauraya vaFirisitia kubva paMikimashi kusvikira paAjaroni; vanhu vakaziya kwazvo.
32. Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai nemombe, nemhuru, vakazviurayira pasi, vanhu vakazvidya pamwechete neropa razvo.
33. Zvino vakaudza Sauro, vakati, "Tarirai, vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwechete neropa." Akati, "Makaita nokusatendeka; ndikungurusirei pano ibwe guru nhasi."
34. Zvino Sauro akati, "Pararirai pakati pavanhu, muti kwavari, `Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviurayire pano, adye murege kutadzira Jehovha muchidya pamwechete neropa. ' " Zvino vanhu vose vakauya usiku uhwo mumwe nomumwe nenzombe yake, vakadziurayirapo.
35. Sauro akavakira Jehovha aritari, iyo aritari ndiyo yokutanga yaakavakira Jehovha.
36. Zvino Sauro akati, "Ngatiburuke, titevere vaFirisitia usiku, tivapambare kusvikira kwoedza, tirege kusiya munhu mumwe kwavari." Ivo vakati, "Itai henyu sezvamunoda." Ipapo mupirisiti akati "Ngatiswedere kuna Mwari pano."
37. Sauro akabvunza Mwari, akati, "Ndoburuka, nditevere vaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko avaIsiraeri here?" Asi haana kumupindura musi iwoyo.
38. Sauro akati, "Swederai pano, imwi vakuru vose vavanhu, muzive nokuona kuti chivi ichi chakaitwa nhasi ndecheiko?
39. "Nokuti naJehovha mupenyu, iye unoponesa Isiraeri, kunyange zviri kuna Jonatani mwanakomana wangu, achafanira kufa zvirokwazvo." Asi kwakanga kusino munhu pakati pavanhu vose wakamupindura.
40. Zvino akati kuvaIsiraeri vose, "imwi mirai kurutivi rumwe, neni naJonatani mwanakomana wangu tichamira kuno rumwe rutivi." Vanhu vakati kuna Sauro, "Itai henyu sezvamunoda."
41. Zvino Sauro akati kuna Jehovha, Mwari waIsiraeri, "Ratidzai zvakarurama." Zvino Jonatani naSauro vakabatwa nemijenya, asi vanhu vakapukunyuka havo.
42. Zvino Sauro akati kuvaIsiraeri vose, "Kandai mijenya pakati pangu naJonatani mwanakomana wangu." Jonatani akabatwa.
43. Zvino Sauro akati kuna Jonatani, "Ndiudze chawaita." Jonatani akamuudza, akati, "Ndakaravira hangu zviuchi nomuromo wetsvimbo yandakanga ndakabata muruoko rwangu; zvino ndinofanira kufa hangu."
44. Sauro akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa, Jonatani."
45. Zvino vanhu vakati kuna Sauro, "Jonatani ungafa seiko, iye wakaponesa vaIsiraeri nokuponesa kukuru uku? Haisva! NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomusoro wake harungawiri pasi, nokuti wakabata pamwechete naMwari nhasi." Naizvozvo vanhu vakadzikunura Jonatani, akasafa.
46. Zvino Sauro akarega kutevera vaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kunyika yavo.
47. Zvino Sauro wakati agadzwa ushe hwaIsiraeri, akarwa navavengi vake vose kunhivi dzose, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaEdhomu, namadzimambo eZoba, navaFirisitia; pose paakaenda wakakunda.
48. Akarwa noumhare, akakunda vaAmareki, akarwira vaIsiraeri pamaoko avaivapambara.
49. Zvino vanakomana vaSauro vaiva Jonatani, naIshivi, naMarikishua, namazita avanasikana vake vaviri aiti, Zita rowedangwe Merabhi, nezita romuduku Mikari.
50. Zita romukadzi waSauro raiva Ahinoamu, mwanasikana waAhimaazi, nezita romutungamiriri wehondo yake raiva Abhineri, mwanakomana waNeri, babamunini vaSauro.
51. Kishi ndiye waiva baba vaSauro; naNeri, baba vaAbhineri, waiva mwanakomana waAbhieri.
52. Pamazuva ose aSauro vakanga vachirwa zvikuru navaFirisitia; zvino Sauro wakati kana achiona murume ane simba kana murume uno umhare, waimugarisa naye.

  1Samuel (14/31)