← 1Samuel (13/31) → |
1. | Sauro wakanga anamakore ana makumi matatu pakutanga kwake kutonga ushe, akabata vaIsiraeri makore maviri. |
2. | Sauro akazvitsaurira varume vaIsiraeri vane zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaigara kuna Sauro paMikimashi pagomo reBetieri, nechiuru chimwe chaigara naJonatani paGibhiya kwaBhenjamini; vamwe vanhu vose akavadzosera, mumwe nomumwe kutende rake. |
3. | Jonatani akaparadza boka ravarwi vavaFirisitia vaigara Gebha; vaFirisitia vakazvinzwa. Zvino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati, "VaHebheru ngavanzwe." |
4. | Valsiraeri vose vakanzwa kuti Sauro waparadza boka ravarwi vavaFirisitia, uye kuti vaIsiraeri vovengwa navaFirisitia. Vanhu vose vakaunganidzwa kuti’vaende Girigari naSauro. |
5. | Zvino vaFirisitia vakaungana kuzorwa navaIsiraeri, vane ngoro dzine zviuru zvina makumi matatu, navatasvi vane zviuru zvitanhatu, navanhu vakanga vakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwavo; vakakwira vakandodzika matende avo paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiaveni. |
6. | Zvino varume vaIsiraeri vakati vachiona kuti vava panjodzi (nokuti vanhu vakanga vomanikidzwa), vanhu vakavanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba. |
7. | Uye vamwe vavaHebheru vakanga vayambuka Jorodhani kunyika yaGadi neyagiriyadi, asi Sauro wakanga achiri Girigari, vanhu vose vakamutevera vachibvunda. |
8. | Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya. |
9. | Zvino Sauro akati, "Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa." Akapisa chipiriso chinopiswa. |
10. | Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise. |
11. | Samueri akati, "Waiteiko?" Sauro akati, "Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imwi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi, |
12. | saka ndikati, `Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira;' naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu." |
13. | Samueri akati kuna Sauro, "Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi. |
14. | "Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza moyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha." |
15. | Samueri akasimuka, akabva Girigari akaenda Gibhiya kwaBhenjamini. Sauro akaverenga vanhu vaakanga anavo, vakasvika varume vanenge mazana matanhatu. |
16. | Sauro naJonatani mwanakomana wake, navanhu vavakanga vanavo, vakagara paGebhiya kwaBhenjamini; asi vaFirisitia vakanga vavaka misasa yavo paMikimashi. |
17. | Zvino vaparadzi vakabuda kumisasa yavaFirisitia, vakaita mapoka matatu; boka rimwe rakabuda nenzira inoenda Ofira kunyika yaShauri, |
18. | rimwe boka rikabuda nenzira inoenda Bhetihoroni; nerimwe boka rikabuda nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZebhoimu, kurutivi rwerenje. |
19. | Zvino kwakanga kusino mupfuri munyika yose yaIsiraeri, nokuti vaFirisitia vakati, "VaHebheru ngavarege kuzvipfurira minondo namapfumo. |
20. | Asi vaIsiraeri vose vaifanira kuburukira kuvaFirisitia, mumwe nomumwe kana achida kurodzerwa muromo wegeja rake, nebadza rake, nesanhu rake, nembezo yake; |
21. | nguva imwe neimwe kana mbezo dzavo, namapadza avo, neforogo dzavo, namasanhu avo zvokomara; uye kugadzirirwa zvokubaya mombe nazvo." |
22. | Naizvozvo panguva yokurwa kwakanga kusino munondo, kana pfumo muruoko rwomunhu mumwe wavanhu vakanga vanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mwanakomana wake vakanga vanazvo. |
23. | Zvino boka ravarwi vavaFirisitia rakabuda kumupata weMikimashi. |
← 1Samuel (13/31) → |