1Samuel (12/31)  

1. Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, "Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.
2. Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
3. Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo."
4. Ivo vakati, "Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi."
5. Akati kwavari, "Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri." Vakati, "Ndiye chapupu."
6. Zvino Samueri akati kuvanhu, "Jehovha ndiye wakanga agadza Mozisi naAroni, nokubudisa madzibaba enyu panyika yeIjipiti.
7. "Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.
8. "Nguva yakaenda Jakobho Ijipiti, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Ijipiti, vakavagarisa pano.
9. Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.
10. Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, `Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.'
11. Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.
12. Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, `Kwete, tinofanira kubatwa nesuo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakanga ari mambo wenyu.'
13. "Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.
14. Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
15. asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
16. "Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.
17. Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo."
18. Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
19. Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, "nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo."
20. Samueri akati kuvanhu, "Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
21. musatsauka, nokuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nokuti hazvina maturo.
22. Nokuti Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.
23. Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
24. Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
25. "Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu."

  1Samuel (12/31)